Harare Children’s Home yaparadzwa nemoto, batsirai vana

19 Aug, 2023 - 17:08 0 Views
Harare Children’s Home yaparadzwa nemoto, batsirai vana

Kwayedza

Trust Freddy

VANA vanosvika makumi mana vakarasikirwa nemidziyo yavo yose mumoto wakaparadza musha wavo weHarare Children’s Home uri kuEastlea nemusi weChina.

Moto uyu wakapisa kamuri rekutanga reimba huru inochengeterwa vana iyo inove imwe yakavakwa kare-kare muZimbabwe, izvo zvasiya vamwe vana vaine mbatya dzavainge vakapfeka chete.

Chakakonzera moto uyu hachina kuzivikanwa uye ongororo ichiri kuenderera mberi.

Chiitiko ichi chinouya pasina mavhiki maviri mushure mekunge vana ava vapihwa magumbeze matsva matatu pamumwe nemumwe wavo kubva kune vane tsiye nyoro uye magumbeze matsva anosvika zana nemakumi maviri akapiswa.

Pakashanyira vatori venhau musha uyu, vanoona nezvekudzimura moto (fire brigade) vakange vakwanisa kudzima moto uyu zvisinei nekuti wakange watoparadza zvakanyanya nechekare.

Mukuru weHarare Children’s Home, Mai Maria Sithole, vanoti vakashamiswa kuona moto waibvira mune imwe yedzimba dziri pamuzinda uyu.

“Mumwe wevashandi vedu akaona chiutsi mukamuri yemudurikidzwa asi akatadza kuziva kwachaibva,” vanodaro.

Pavakaona kuti imwe kamuri yakanga yabatira moto, sekutaura kwaMai Sithole, nguva yakanga yatononokerwa nekuti moto uyu waive wapisa kamuri yose iyi uye wakapararira nekukurumidza.

“Zvose zviri pamusha uyu zvevana 40 zvakaparadzwa mbatya, mabhuku nemayunifomu hapana chakawanikwa.

“Vekudzima moto vakauya nenguva asi vakanga vasina midziyo yakakwana, moto wakanga wakakura nekudaro vakakurumidza kupedza mvura yavo yavaidzimisa nekuti moto wainge wakanyanya zvekuti vakatozodzokera zvakare kunochera imwe,” vanodaro.

Kune vangada kubatsira vanogona kubata Mai Sithole panhare dzinoti 0242747086/7

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey