‘Hatidi Covid muzvikoro’

31 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
‘Hatidi Covid  muzvikoro’ VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvakakosha kuti zvikoro zvose zvitevedzere matanho akatarwa neHurumende uye nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Kurudziro iyi iri kuuya zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro neMuvhuro svondo rino.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko kubazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, vanoti vadzidzisi nevabereki vanofanira kuona kuti vana vatevedza nemazvo matanho ose anoita kuti vadzivirirwe kubva mukutapurirwa Covid-19.

“Kupfeka mamasiki zvakanaka, kusaita chitsokotsoko uye kugara vana vachigeza maoko nemishonga ndidzo dzimwe dzenzira dzinofanira kutevedzwa nemazvo nevana vechikoro pamwe chete nematicha mukuderedza kupararira kweCovid-19. Zvikoro inzvimbo dzinosangana vana vakawanda, naizvozvo panoda kutevedzwa matanho ose ekudzivirira kutapurirana kwechirwere ichi.

“Tiri kukurudzira maticha nevabereki kuti vaone nguva dzose kuti vana vatevedza zvinodiwa,” vanodaro VaNdoro.

Vanoti bazi ravo riri kufara zvikuru nekuuya kuri kuita varairidzi kuzvikoro panguva iyo vadzidzi vari kuda rubatsiro rwakanyanya zvichitevera kukanganiswa kwakaitwa fundo yavo nekudzoserwa kumashure apo zvikoro zvainge zvakavharwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro svondo rino kuvadzidzi vari kunyora bvunzo dzeGrade 7, O- neA-Level uye vamwe vana vose vachazovhura nemusi wa6 Gunyana.

VaNdoro vanoti varairidzi vane basa guru rekuona kuti vana vawana dzidzo yakakwana vasati vanyora bvunzo.

“Muongororo yatakaita kubva pavhurwa zvikoro musi weMuvhuro, inoratidza kuti vadzidzisi vari kuenda kumabasa avo nehuwandu hunodarika 60 percent zvinova zvakanaka tichitarisa kuti pari zvino magwaro akavhura ndeevari kuda kunyora bvunzo dzeZimsec. Izvi zvinoratidza chido chevarairidzi chekuda kuti vana vadzidze sezvo vakanga vagara kumba kwenguva refu uye ino inguva yavari kuda rubatsiro rwakanyanya kuti vakwanise kuzonyora bvunzo dzavo.”

VaNdoro vanokurudzirawo vadzidzisi vasati vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuti vabaiwe sezvo pachiine mukana wakakura wekuita izvi.

Vanotizve sebazi, vane chishuviro chekuti mudzidzisi wose wemuZimbabwe abaiwe nhomba dzekudzivirira chirwere ichi.

VaNdoro vanotiwo zvakakosha kuti vadzidzi vasvika pazera rekuti vabaiwe majekiseni aya vabaiwe sezvo izvi zvichivachengetedza kubva mukutapurirwa denda irori.

Svondo rapera, dare reCabinet rakaita chisungo chekuti vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa vapindewo muchirongwa chekubaiwa majekiseni aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>