Uncategorized

Hatidi zvakadaro: Prof Murwira

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Hurumende iri kuedza nepose painogona kubatsira vadzidzi vekumayuvhesiti nemakoreji uye haikurudzire tsika dzakashata sekuita echipfambi muzvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi.

Mashoko avo anotevera nyaya dzevadzidzi vanonzi vari kuchaya mapoto vachigara semurume nemudzimai apo vanenge vari kuchikoro kuchiti vamwe vari kudanana nema”sugar daddy” kana kuti ma”sugar mummy” avo vanozivikanwa nekuti “mablesser”.

Prof Murwira vanoti kumayunivhesiti nemakoreji kunodzidzwa nevanhu vabva zera avo vane hunhu nepfungwa dzakasiyana.

“Mumayunivhesiti tine zvikwata zvinopa tsigiro yekupanga mazano seStudent Affairs Physiological Support, saka ndivo vanobatsirawo vamwe vadzidzi nekuvadzora uye kuvapanga mazano anoumba upenyu hwavo.

“Ini hangu handikurudziri kuti mayunivhesiti aite mbiri yakashata kudaro, yechipfambi ndinokoshesa dzidzo nekuti ndiyo inoumba upenyu hwemangwana.

“Kumayunivhesiti hakuna kusiyana nekunharaunda dzinogara vanhu, ndiko kusaka muchingonzwawo nyaya idzodzo kunharaunda nekuzvikoro asi dzakashata,” vanodaro Prof Murwira.

Prof Murwira vanoti: “Hatingati mari dzekumayunivhesiti dzakakwira asi kuti dzakawanda chete nekuti dzainge dzakapegwa dziri pamaUS$ saka isu tiri kubhadhara nemari yedu yemuno kureva kuti hazvina kuenzana yatinoti 1:1.

“Kudai taibhadharisa mari dzinofambirana nedzaichanjwa pamaUS$ handifungi kuti pane aikuenda kuchikoro kwacho.

“Donzvo redu nderekuti mwana wose awane dzidzo, ndiko kusaka muchiona tiri kubhadharisa mari idzodzo.

“Tinoda kuti dzidzo ifambire mberi nekuti kana iyo motokari haingafambi isina peturu. Asi, hazvirevi kuti tiri kuda kuti peturu yacho inge ichipfachukira, bodo. Takatoderedza mari dzechikoro nekure chaizvo.”

Prof Murwira vanotizve; “Tinoda kuti vadzidzi vedu vararame upenyu hwakanaka vachidzidza zvakanaka. Saka kubvira mugore ra1997 Hurumende yakaunza chirongwa chinodaidzwa kuti Government Backed Loan Scheme icho chine chinangwa chekusimudzira dzidzo apo vadzidzi vanowaniswa mari dzezvikwereti kuti vakwanise kubhadhara fizi. Takakwanisa zvekare kubhadhara mvura nemagetsi kumayunivhesiti kuti raramo yavo iendeke munguva yekunetsa kwezvinhu kudai.”

Share This:

Sponsored Links