Hatina anorapa Covid-19: Zinatha

13 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Hatina anorapa Covid-19: Zinatha VaKandiyero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) rinoti n’anga nemaporofita emanyepo vawanda zvikuru munyika kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 uye riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire kubirwa mari neupfumi hwavo nemaguruvhani aya.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti kune mamwe matsotsi ave kutora mukana wekuvepo kwechirwere ichi kubira vanhu vachivanyepera kuti vanogona kuchirapa kana kuchidzivirira.

“Isu seZinatha, tirimo mukurwisana nedenda ranetsa pasi rose reCovid-19. Tinoda kushanda pasina chitsotsi semachiremba echivanhu uye tine matanho atiri kutora kuti kuzivikanwe n’anga kana maporofita chaiwo, matsotsi toayanika pachena,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti vari kushanda zvakanaka nebazi rezveutano nekurerwa kwevana vachitevedzera mitemo yose inokurudzirwa mukurapwa kwechivanhu.

“Kune machiremba echivanhu matsotsi ayo ari kuwanda kunyanya vechidiki vangonyuka pakangotanga chirwere ichi vachinyepera vanhu kuti vanochirapa. Tiri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire n’anga kana maporofita nekuti tinoona kuti vamwe vari kuzviti machiremba ava havasi nhengo dzedu, kana matsamba vanenge vasina,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoyambira nhengo dzavo kuti vasiyane nekunyepera vanhu kuti vanorapa Covid-19 sezvo kusati kwawanikwa mushonga unorapa chirwere ichi pasi rose.

“Watinongowana chete achiti anorapa chirwere ichi mukati menhengo dzedu tinomudzinga kana kumuranga zvakaomarara nekumuendesa kumapurisa votorerwa matanho. Dambudzko redu nderekuti vanhu ava vari kuwanikwa vaine matsamba ekurapa echitsotsi ayo ari kugadzirwa nemakoronyera. Saka zvave kunetsa kuti tikwanise kuziva n’anga nemaporofita echitsotsi,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tava nevanhu vanosvika gumi avo vauya kumahofisi kwedu vachichema kuti vakatorerwa mari dzavo nen’anga nemaporofita vachinzi vari kupihwa mishonga yekudzivirira kuti vasabatwe neCovid-19.”

Vanoti kana vanhu vasingagutsikane nekuda kwen’anga kana muporofita anenge achida kuvashandira, ngavaridze nhare panhamba dzinoti 0772 301 059 kana 0777 059 010.

Share This:

Sponsored Links