Uncategorized

Hatina zvekuita, dhamu rakapwa: Makunde

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUNYORI mukuru wekanzuru yeChitungwiza (town clerk), VaGeorge Makunde, vanotsinhira nezvedambudziko rekushaikwa kwemvura muguta ravo vachiti riri kukonzerwa nekuoma kwakaita dhamu ravanowana mvura, rePrince Edward Dam.

“Ichokwadi, mvura hakuna kuno kuChitungwiza nekuti dhamu rePrince Edward, iro raitiwanisa mvura, rakatooma kuti gwa-a. Saka tiri kutozama kuti tinge tichibatana nemamwe masangano uye makambani angade kutitsigira mukuvaka dhamu redu kuti tipedze dambudziko iri zvachose.

“Tinoda zvakare vatsigiri vanotibatsira mukuchera zvibhorani kuti vanhu vabatsirikane nekuti mvura yanetsa zvikuru muno,” vanodaro VaMakunde.

Vanoti vane vatsigiri vavakawana avo vari kuda kuvabatsira nemari inosvika US$231 miriyoni yekuvaka dhamu idzva reMuda, pedyo nekuMahusekwa, chinova chinhambwe chemakiromita makumi mana kubva muChitungwiza.

“Vatsigiri varipo uye takatoendesa mazita avo kuHurumende. Kana tichinge bedzi tapihwa mvumo, dhamu rinobva ratangisa kuvakwa gore rino risati rapera.

“Takasainirana chibvumirano nemakambani matatu ekuChina neimwe inonzi Sessani kuti tiite basa iri. Kuvakwa kwedhanu iri kuchabatsira veruzhinji kuti vawane mvura.

“Dhamu iri richawanisa vagari veChitungwiza mvura yakawanda zvekusvika mamega litres 75 pachinzvimbo che30 mega litres dzinodiwa muno,” vanodaro VaMakunde.

Director weChitungwiza Residents Trust (Chirest), VaMarvelous Khumalo, vanoti vagari vemuguta iri vaomerwa zvikuru nekuda kwedambudziko remvura.

“Tiri kuda kuti basa rekuvakwa kwedhamu riitwe nekukasika kuti vanhu vawane mvura nekuti kunonoka kuvakwa kwaro kana kutsvaga dzimwe nzira dzingaite kuti vanhu vawane mvura nechimbi-chimbi kunogona kuzoona vazhinji vachirasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvemanyoka,” vanodaro.

Vanoti Chitungwiza inowaniswa mvura nekanzuru yeHarare nokudaro kana Harare ichinge iine dambudziko remvura, zvinoreva kuti Chitungwiza inenge iri pamberi pakutambura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>