Uncategorized

Hatinei neNyatsime: Makunde

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUNYORI mukuru wekanzuru yeChitungwiza, VaGeorge Makunde, vanoti kanzuru yavo haisisina chekuita nemasitendi ekuNyatsime uko kuri kungogara vanhu.

Muhurukuro neKwayedza, VaMakunde vanoti panguva yavakatengesera vanhu masitendi aya, kanzuru yainge isati yapihwa nzvimbo iyi zviri pamutemo neHurumende.

Vanoti izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vakange vachidawo masitendi aya vatore mikana yekupindamo vachinovaka. “Hataikwanisawo kuti tipe mvumo kuvanhu kuti vaende kunogara. Masitendi anodarika 15 457 akatotengeswa tisati tapihwa nzvimbo iyi zviri pamutemo. Ndicho chikonzero chakaita kuti vanhu avo vaive nemakore anodarika manomwe vapindemo vachinovaka nekuti vainge vaneta nekumirira vari pa”waiting list”. Vanhu vakati hatingamiriri kanzuru nekuti vakange vave nemakore mazhinji vasati varatidzwa pekugara.

“Ini ndakamboenda ndikanopwanya dzimwe dzimba tikaendeswa kumatare uye takapihwa magwaro anoti hatifanire kupinda muNyatsime,” vanodaro.

Vanoti Hurumende payakazopa masimba kukanzuru yeChitungwiza kuti ichitora masitendi aya zviri pamutemo, vakatoshamisika kuwana matove nevanhu vatovaka.

“Ndakaenda kudare redzimhosva nevakapa vanhu masitendi aya pamwe neveChitungwiza Residents Trust saka handisisina kodzero yekupinda muNyatsime. Vatengesi vemasitendi vanoita izvi zvisiri pamutemo vachiri kutoramba vachitengesa masitendi iwaya.

“Munhu asina gwaro rekanzuru anofanira kubva nekuti hatingadzvanyiriri munhu akabhadhara mari yesitendi zviri pamutemo, ane sitendi nhamba yake nemagwaro anofanira kuremekedzwa. Kana kune vakatengeserwa masitendi nerweseri hameno havo. Asi kune vamwe vari kuhwanda nebumbiro remutemo vachipara mhosva, hationi zvakanaka.

“Ndinoti kune vatakatengesera masitendi vaende kunotora, kana zvanetsa vanoendesa kumatare vanhu vakagara pamasitendi avo zvisiri pamutemo. Vakapa vanhu ivavo masitendi vakavapa nerweseri. Ini handichatenderwi kutsika kuNyatsime pamutemo nekuti ndikaendako kunetenge kwave kushora mutongo wakapihwa nedare. Handichina simba nekuti ndikatsikako imhosva,” vanodaro VaMakunde.

VaMakunde havana kukwanisa kutsanangura kuti sei vari kutambira mari yemitero yedzimba iri kubhadharwa nevamwe vagari vekuNyatsime kana vasisina chekuita nenzvimbo iyi.

Kwayedza yakazoshanyira Nyatsime ndokuti hurukuro nevamwe vagari veko.

“Ini ndakabhadhara sitendi yangu muna 2007 saka nekuona kuti tave nenguva refu kwazvo kanzuru isina kutiratidza masitendi, takaenda kunozvigarisa kuNyatsime tega kuburikidza nechirongwa chedu chatinodaidza kuti Nyatsime Beneficiary Trust.

“Takauya nehuwandu hwedu tikavaka dzimba kwete dzekugara kwenguva diki asi kuti dzeupenyu hwese. Ndinofunga mukatenderera munoona mazimba acho kuti akakurisa kana makamuri gumi nemashanu emba unovaka. Mari yako chete,” vanodaro Mai Tendai Mhlawendaba (52).

Vanoti munguva pfupi yadarika, sangano ravo rakatomboendeswa kumatare edzimhosva nekanzuru yeChitungwiza asi kanzuru yakaruza nyaya iyi.

“Kanzuru yakanoruza nekuti isu takangonzi vakai uye bumbiro idzva remutemo rinoti chengetedza kuti tisapwanyirwe dzimba dzedu nekuti tine kodzero yekuwana pekugara. Takazvipira kugara chero pedyo nekumakuva nekuti tinoda panonzi pedu,” vanodaro. Mashoko avo akatsigirwa naMai Elizabeth Gumindega (27) avo vakawanawo sitendi yavo kuburikidza nesangano iri uye vakatovaka imba yavari kuterera kukanzuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>