‘Hatisati tatanga kubaya vana’

12 Sep, 2021 - 08:09 0 Views
‘Hatisati tatanga kubaya vana’ VaDhire

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

CHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals chinoti pari zvino hachisati chave kubaya majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kune vane makore ari pakati 14 kusvika 17 okuberekwa zvisinei nekuti Hurumende yakati vanokwanisa kubaiwa.
Mutauriri wechipatara ichi, VaLinos Dhire, vanoti pari zvino chipatara chavo hachisati chapihwa mvumo yekuti chibaye vemazera aya.

“Pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals hatisati tave kubaya vari pasi pemakore 18 okuberekwa. Takamirira gwaro kubva kubazi rezveutano rinotipa mvumo nemafambisiro atinofanirwa kuita kubaiwa kwevane makore ari pakati pe14 ne17 okuberekwa,” vanodaro VaDhire.

Zvisine, VaDhire vanoti mwedzi wapfuura waNyamavhuvhu wakaita vanhu vashoma vakabaiwa majekiseni pachiparata chavo kana zvichienzaniswa nemunaChikumi naChikunguru.

“Takatarisa masvondo maviri ekupera kwemwedzi waNyamavhuvhu, huwandu hwevanhu vakauya kuzobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 hwakadzikira kana tichienzanisa naChikumi naChikunguru. Tine fungidziro huru yekuti chikonzero ndechekuti kwave nenzvimbo dzakawanda dzekubaiwa saka vanhu vava kuenda kunzvimbo dziri pedyo navo,” vanodaro.

VaDhire vanoti vari kuramba vachikurudzira vanhu vasati vabaiwa kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19, kunyanya panguva ino apo kuchipatara kwavo kusiri kuuya vanhu vakawanda kuzobaiwa nhomba.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vabaiwe majekiseni aya senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>