Hatitombodi Covid muzvikoro: Ndlovu

08 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
Hatitombodi Covid  muzvikoro: Ndlovu

Kwayedza

Tandayi Motsi naTalent Gore

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba ekudzivirira chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvichitevera kuvhurwa kwazvakaitwa nemusi weMuvhuro svondo rino.

Izvi zvinotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nedenda iri uye nekusimbaradzwa kwechirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuenderera mberi nekushanda pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana mukurwisa kupararira kwechirwere ichi muzvikoro.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu, vanoti Hurumende iri kutora matanho akakodzera ekuderedza kunyuka nekutapuriranwa kwedenda iri muzvikoro.

Vanoti Hurumende icharamba ichitsigira zvikoro nemidziyo inodiwa pakudzivirira denda iri yakadai semamasiki nemasanitizer.

“Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vose vane makore 16 ne17 okuberekwa vanokodzera vanokurudzirwa kuti vapinde muchirongwa chenyika chekurwisa Covid-19 kuburikidza nekubaiwa nhomba pachena.

“Ngatiitei kuti muzvikoro zvedu musave nechirwere cheCovid-19. Bazi redu rinozivisa kuti kupfekwa kwemamasiki nemazvo, kugezwa kwemaoko pamwe chete nekusaita chitsokotsoko zvose zvinofanirwa kutevedzwa zvakazara muzvikoro zvose nedzimwe nzvimbo dzekudzidzira kuitira kuti pasave nekukanganiswa kwefundo,” vanodaro Dr Ndlovu.

Chirongwa chekubaya nhomba dzekudzivirira Covid-19 kune vane makore 16 ne17 okuberekwa chakatanga mushure meongororo yakadzama iyo yakaitwa nesangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe uye nenyanzvi dzezveutano zvikaonekwa kuti zvakakodzera kuti vezera iri vabaiwe nhomba pachishandiswa mushonga weSinovac Covid-19 vaccine.

Hurongwa hwekuti vari pasi pemazera aya vange vachibaiwa nhomba idzi huchiri kutariswa nezvahwo.

Zvikoro zvesekondari, makoreji, mayunivhesiti nenzvimbo dzinobairwa vanhu nhomba vakatotanga kubaya majekiseni vadzidzi vane makore 16 zvichienda mberi.

Zimbabwe yakabvumidza kushandiswa kwemishonga inosanganisira Sinopharm neSputinik-V kuti vanhu vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Asi pari zvino, zvichienderana neongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano, Sinovac chete ndiyo iri kutenderwa kuti ibaiwe vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey