Hatizi DeMbare: FC Platinum

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Hatizi DeMbare: FC Platinum Chido Chizondo

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yeCastle Premiership FC Platinum inoti vatsigiri venhabvu kana vaongorori vemutambo uyu  ngavasafananidze chikwata chavo neDynamos iyo yakasvika kufainari yemutambo weCAF Champions League mugore ra1998.

Zvikuru zvange zvichitarisirwa kubva kuFC Platinum gore rino apo yakabudirira kupinda mumagroup-stages eCAF Champions League ayo anozivikanwa semini-league, kekutanga munhorowondo yechikwata ichi.

Asi isati yambosvika kure, FC Platinum yakatoburitswa mumumakwishu aya zvichitevera kutadza kwayakaita kuhwina kana mutambo mumwe chete zvawo muboka rayo muGroup B kubva mumitambo mina yayatamba.

Iye zvino FC Platinum yasarirwa nemitambo miviri chete neOrlando Pirates pamwe neEsperance of Tunisia uye kunyangwe ikaihwina hazvichabatsire chinhu.

Munhorowondo yenhabvu yemuno, chikwata cheDynamos ndicho chega chakakwanisa kuita zvinorova mumutambo uyu izvo zvakachiona chichisvika kufainari mugore ra1996 uye ikazombosvika kumasemi-fainari muna 2007.

Zvimwe zvikwata zvinosanganisira FC Platinum zviri kukundikana kutevera mumatsimba eDeMbare.

Muhurukuro neKwayedza, mukushi wemashoko weFC Platinum – Chido Chizondo – anoti zvikwata hazvifanane uye ivo pavakasvika mumakwishu aya vanofara napo nekuti ndipo pavaishuvira kusvika.

“Musatifananidze neDynamos isu, pedu patakasvika ndipo chaipo pataida kusvika. Chikuru chamunofanirwa kuziva ndechekuti isu tave nemakore 11 tapinda muPremier League saka hamungatienzanise nanaDynamos vagara kwemakore akawanda.

“Tichiri kudzidza uye tinovimba kuti patichadzoka tinogona kusvika pane chimwe chinhanho,” anodaro Chizondo.

Achibvunzwa neKwayedza kuti anonzwa sei sezvo chikwata chavo chakatadza kuhwinha kana mutambo mumwe chete, Chizondo anoti,  “Patakatosvika zvakatoringana zvakadaro nekuti isu chataingoda chete kusvika kumagroup-stages emutambo uyu, zvimwe zvese zvaizouya ibhonasi.

“Patakahwina tikiti rekukwikwidza mumakwishu aya takazviudza sechikwata kuti chatinoda kupinda mumagroup-stages ayo anozivikanwa semini-league chete. Saka sechikwata takasvika pataida kusvika, zvimwe zvese hazvisisina basa. Kana tikazodzoka mwaka unotevera tinenge tave kutarisa zvimwe zvatinoda kuti zviitike,” anodaro Chizondo.

Zvisinei, shasha yekuongorora nhabvu ari mutsigiri mukuru wemutambo uyu, Chris ‘Romario’ Musekiwa, anoti FC Platinum ichiri kudzidza nezvemutambo uyu.

“Champions League ave makata, saka sechikwata munofanirwa kugadzirira zvakasimba.

“Mumaonero angu, FC Platinum iri pakudzidza nezvemutambo uyu saka vanoda kupihwa nguva uye ivo ngavagadzirire sechikwata nekuti zvinosuwisa kuti mumitambo yavatamba votadza kunwisa kamwe chete zvako.

“Ivo sechikwata vanofanirwa kuita vachibvunzawo kune zvimwe zvikwata zvakaita seDynamos kuti vakasvika sei kufainari, vonzwa mazano ayo andinoona kuti anogona kuvabatsira,” anodaro Musekiwa.

Mutambo unotevera weFC Platinum mumakwishu aya, ichatamba svondo rinotevera apo iri kunanga kuSouth Africa kunotamba neOrlando Pirates yozopedzisa svondo rinozotevera paichasangana neEsperance muno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>