hiv nekudya kune utano

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
hiv nekudya kune utano

Kwayedza

PANGUVA yekuve nepamuviri pamwe nekuyamwisa, chikafu chinovaka muviri chakakosha zvikuru kuna amai nemwana anenge asati aberekwa.

Kana mudzimai ane pamuviri ari HIV positive, ane chimwe chikafu chinovaka muviri chaanoda nekuda kweutachiona uye mwana anenge azvarwa pamwe nekuzoyamwiswa izvo zvinomuisa panjodzi yekusazowana chikafu chakaringana.

Chikafu chisina kuringana panguva iyo mudzimai anenge aine pamuviri kana kuti achiyamwisa chinoita kuti mukana wekunge mwana ange achitapurirwa HIV ukure.

Sei madzimai ane pamuviri neanoyamwisa achifanirwa kuwana chikafu chinovaka muviri?

Kumudzimai ane pamuvir ari HIV positive, chifaku chakakodzera chinoreva kuti anenge aine hutano hwakanaka uye anogona kusununguka zvakanaka zvakare.

l Masoja aamai anorwisa zvirwere anenge akasimba zvinoita kuti akwanise kurwisa zvirwere

l Mudzimai anenge akasimba anokwanisa kuzviriritira pamwe chete nemhuri yake

l Mudzimai anozvara mwana mutano ane huremu hunotarisirwa uye anokura akasimba

 

Zvii zvinofanirwa kudyiwa nemudzimai akazvitakura kana ari kuyamwisa?

Sezvinokurudzirwa muhupenyu hwemunhu hwemazuva ose, mudzimai ane pamuviri kana anoyamwisa anofanira kudya zvakasiyana mazuva ose izvo zvinosanganisira zvinotevera:

  1. Chikafu chinopa simba (carbohydrates)

2.Chikafu chinovaka muviri (proteins)

  1. Chikafu chinodzivirira muviri (vitamins & Mineral salts)
  2. Chifaku chine mafuta neshuga

 

Chikafu chinopa simba
l Izvi ndizvo zvinopa simba rekuita mabasa zuva rega-rega

l Muenzaniso wechikafu chakadai chibage, mupunga, zviyo, mapfunde, mbatatisi, mbambaira, mufarinya nemadhumbe/amadhumbe.

 

Chikafu chinovaka muviri
l Ichi chikafu chinobatsira mukukura, nekudzoreredza zvinenge zvapera mumuviri, kugadzirwa kweropa, mhasuru nekusimbisa masoja anorwisa zvirwere.

l Chikafu chemhando iyi chinofanirwa kudyiwa kanokwana ka4 kana kashanu pasvondo rega-rega.

l Pane mhando mbiri dzechikafu ichi.

l Mapuroteni anobva kunyama yakasiyana, huku nemazai

l Mapuroteni anobva kuzvirimwa zvakadai sesoya bhinzi, sugar beans, peas nemanhanga

 

Chikafu chinodzivirira muviri
l Ichi chikafu chemuriwo yakasiyana pamwe nemichero – kusanganisira yemusango – icho chinoita kuti munhu awane kudya kwakaringana.

l Chikafu ichi chinopa ma”vitamins” nema”mineral salts” anoita kuti masoja anorwisa chirwere agare akasimba

l Chinofanira kudyiwa mazuva ose

l Mienzaniso yechikafu ichi ndeinotevera:

– Michero yemusango: mazhanje, hacha nenhunguru

– Mimwe michero: maorenji. mabanana, apples

– Miriwo: tsunga, rape, muboora, cabbage, lettuce, covo, matomatisi nebhinzi nyoro.

– Hupfu nefurawa

 

Chikafu chine mafuta neshuga
l Madzimai ane pamuviri nevanoyamwisa vanofanira kudyawo chikafu chemhando iyi sezvo chichibatsira kuti vawane simba.

l Muenzaniso wechikafu ichi mafuta ekubikisa, majarini, kirimu, huchi, mabhisikitsi nenzimbe.

 

Panguva yekuva nepamuviri, mudzimai anofanira kudya kanosvika kana pazuva rimwe chete.

Zvimwe zvinogona kudyiwa ndezvinotevera:

  1. Chidimbu chekapu yesadza kana mupunga
  2. Kapu yemuriwo wakabikwa kana kuti makapu maviri esalad
  3. Kapu yebhinzi kana chidimbu chenyama yehuku.

 

Mienzaniso yema”snacks”
l Zvidimbu zviviri zvechingwa nechipunu chedovi kana zai.

l Kapu yemahewu

l Kapu yebhinzi kana mutakura

Zvakakosha kuti munhu anwe marita maviri emvura nezvimwe zvinwiwa pazuva roga-roga.

 

Share This:

Sponsored Links