HIV nevarwere vepfungwa

17 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
HIV nevarwere vepfungwa Pastor Reki Jimu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVIRWERE zvinobata pfungwa zviri kuonekwa zviri dambudziko guru pasi rose asi zvisiri kunyanya kukosheswa, zvikuru munyika dzichiri kubudirira dzemuAfrica, zvichikonzerwa nedzimwe tsika nemagariro zvinotsoropodza vanhu vanorwara nepfungwa.

Nyaya dzekusagamuchira vanhu vanorwara nepfungwa idzi dzinobva zvekare mukushaya ruzivo maringe neutano hwenjere.

Ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutano inoratidza kuti chikamu che20 percent chevanhu vanorwara nepfungwa vanogumisira vazoremara.

Munguva pfupi yadarika, chikamu cheDepartment of Applied Psychology chiri paUniversity of Zimbabwe chakabatana nemapoka anosanganisira Pamumvuri, World Health Organisation, National AIDS Council, United Nations, bazi rezveutano nekurerwa kwevana nevadzidzi vekumayunivhesiti ndokuita musangano wekucherechedza zuva reWorld Mental Health Day paUniversity of Zimbabwe.

Ongororo yakaitwa neWHO mugore ra2018, inoratidza kuti chikamu che25 percent chevanhu chakaonekwa kuti chiri kurwara nepfungwa apo 20 percent vavo vari vechidiki.

Pasi rose, zvakaonekwa kuti chikamu che70 percent chevanhu vari kurwara nepfungwa vari kukundikana kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa zvinoita kuti matambudziko aya akure zvekusvika pakuremera kana kusazorapika zvachose.

Vachitaura neKwayedza, Pastor Reki Jimu vanova mupangi wemazano kuvanhu vanorarama nehutachiona hweHIV, vari mumwe wevakatanga kubuda pachena maringe neHIV uye vari zvekare mutungamiriri wesangano reChristian Fellowship Network Trust, vanoti kurwara nepfungwa kunouya nenzira dzakasiyana.

“Kune vamwe vanobarwa vaine dambudziko repfungwa asi vamwe zvinozouya vakura nekuda kwezvavanosangana nazvo mukurarama. Vamwe zvinokonzerwa nekutora zvinodhaka, kwoita vanoshungudzika mukurarama zvichiita kuti vazvidye mwoyo vogumisira vava kurwara nepfungwa.

“Hazvitambirike nyore kuti munhu anonzi ava nehutachiona hweHIV uye zvinogona kuunza mhirizhonga mudzimba. Vamwe vanototanga kurwara nepfungwa pavanovhunduka kuti vava nehutachiona,” vanodaro.

Pastor Jimu vanoti varwere vepfungwa vanoda rudo, kurapiswa nekukasika, kugara vachipangwa mazano uye havafanire kugara vari voga nekuti mikana yekuzviuraya kana kushandisa midziyo inokuvadza yakawanda kwavari.

“Vamwe vanogona kunge vachirwara nepfungwa vasina HIV, asi vanozogumisira vava nehutachiona uhwu apo vanozvicheka kana kushandisa midziyo inahwo votapurirwa. Varwere vepfungwa vari panyatwa yekubatwa chibharo zvinovanenekedza zvekare mukutapurirwa HIV,” vanodaro.

Pastor Jimu vanokurudzira veruzhinji kuti vatsvage rubatsiro rwekurapwa nekukasika uye kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

Kedia Ngoni Shoko wekusangano reObessive Compulsory Disorder Trust (ODC) anoti achiri kutora mishonga yake mushure mekusangana nedambudziko rekurwara nepfungwa.

Kedias Ngoni Shoko

“Ini ndakatotanga kurwara nepfungwa ndiri kumusangano wechechi kuMadziva asi zvinodhaka zvakadai sembanje ndainge ndatomira kuzvitora ndichiti ndava kunamata. Mudzimai wangu akamboshinga neni asi akazosvika pakundisiya akaenda

nevana.
“Ivo vana vangu vakanga vava kusangana nerusarura kuchikoro apo vaisekwa vachinzi vanababa vanorwara nepfungwa.

Vakapihwa mazita akawanda anorwadza. Ndiko kusaka ndichiti kurwara nepfungwa hakusi nyore, kune rusarura rwakanyanya nokudaro pachine basa guru kuti nyika isandure maitiro akadai,” anodaro.

Shoko anoti murwere wepfungwa anogona kushandisa zvinhu zvinokuvadza setsono, reza nemajekiseni izvo zvinoraswa mumabhini maanoswera achitsvaga chikafu obva atapurirwa HIV nekudaro chengetedzo yakasimba inodiwa kuti midziyo yakadaro iiswe kure kana kupiswa.

Share This:

Sponsored Links