HIV: ‘Vamwe vanofira mukunyara’

24 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
HIV: ‘Vamwe vanofira mukunyara’ Dr Abraham Mapfumo

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

SANGANO reAIDS Healthcare Foundation (AHF) riri kushanda nezvipatara zvemuno mukuderedza kupararira kwehutachiona hweHIV nedenda reAIDS.

Mumiriri weAHF paGlen View Poly Clinic, muguta reHarare, Dr Abraham Mapfumo, vanoti vanhu vazhinji – kunyanya varume – zvinovaremera kuti vaende kuzvipatara kunoongororwa hutachiona hweHIV kana zvirwere zvepabonde.

Izvi zvinonzi zviri kuita kuti hutachiona uhu dzimwe nguva hurambe huchipararira uye huwandu hwevanhu vane HIV neAIDS huwedzere munyika muno.

“Vanhu vazhinji vari kukanganisika utano hwavo, vamwe vachisvika pakufa nenyaya dzekunyara kuenda kuzvipatara kuti vanobatsirwa, kunyanya zvirwere zvine chekuita nekusangana pabonde. Izvi zviri kuita kuti chinangwa chekuderedza kupararira kweHIV neAIDS chidzokere shure.

“SeAHF, takaona kuti zvakakodzera kuti pave nezvirongwa zvakasiyana zvinobatsiridza nyaya dzekuti munhu wose ange achiziva paamire maererano nehutachiona hweHIV neAIDS,” vanodaro Dr Mapfumo.

Vanoti pari zvino kwave nemidziyo yekuti munhu anokwanisa kuzviongorora hutachiona oga achizvionera kuti utano hwake hwakamira sei, ozoenda kunanachiremba kuti abatsirwe pane zvaanenge achida kunzwisisa.

“Kwave neatinoti ma’self-testing kits’ anoshandiswa kuti munhu azviongorore oga achiona zvabuda mushure memaminitsi mashoma-shoma. Izvi zvinobatsira nekuti vazhinji havadi kuonekwa vachiongororwa pazvipatara zveveruzhinji kana pane vanhu vazhinji.

“Zvisinei, tinokurudzira kuti kana munhu achinge azviongorora, aone chiremba zvichienderana nezvabuda. Vanenge vaonekwa vaine hutachiona, vanobatsirwa munyaya dzekuti vanotanga kutora mishonga yavo rinhi uye sei.

“Vaya vanenge vasina hutachiona, vanokurudzirwawo kuti varambe vachishandisa nzira dzekuzvidzivirira,”

vanodaro Dr Mapfumo.

Vanoti paGlen View Poly Clinic, vakavhura kamuri inobatsira vari panyatwa huru yekutapurirwa hutachiona hweHIV (key populations clinic).

Vanoti izvi zvinobatsira vari muchikwata ichi kuti vasununguke kuuya vachiwana rubatsiro zvisina rusarura kubva kune vamwe veruzhinji.

“Vamwe vakanga vasingauye nekuda kwekupihwa mazita akasiyana munharaunda uye kunyara nemabasa avanoita, zvakafanana nevanoita zvekutengesa miviri. Vanhu ava tinobva tavapa makondomu pachena uye vobatsirwa nanamazvikokota mukupangwa mazano pavanouya vachirapwa kana kutsvaga rubatsiro,” vanodaro Dr Mapfumo.

Sangano reAHF riri kubatsirawo mukuderedza kupararira kweHIV neAIDS mune zvimwe zvipatara zvikuru zvakaita seParirenyatwa Group of Hospitals neSally Mugabe Central Hospital.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>