Homwe yokurwisa chirwere cheCovid

22 Sep, 2020 - 16:09 0 Views
Homwe yokurwisa  chirwere cheCovid

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reMédecins Sans Frontières (Doctors Without Boarders) (MSF) rakaumba homwe yekubatsira nyika dziri kunyanya kutambudzwa nechirwere cheCovid-19.

Angela Makamure, anova media liaison co-ordinator kusangano iri, anoti kusvika pari zvino vabatsira nyika dzinodarika 60 pasi rose, kusanganisira South Africa, idzo dzakatarisana nematambudziko makukutu nekuda kwechirwere ichi.

“Takaumba homwe yeCovid-19 Crisis Fund nechinangwa chekuti tive takagadzirira kuitira zvirongwa zvedu zvakaita sezviri kuSouth Africa zvatagara tichiita asi zviri kukanganiswa nechirwere ichi. Zvikwata zvedu zviri kushanda munyika dzinodarika 60 pasi rose,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Mabasa edu ekurapa akanganiswa neCovid-19. Asi tiri kutora matanho ekurwisa denda iri, tichichengeta varwere, kubatsirana nenharaunda nekupanga mazano maringe neutano uye kudzidzisa vashandi vezveutano kukosha kwakaita kuzvidzivirira.”

Makamure anoti zvirwere zvisina zviratidzo (non-communicable diseases) zviri kuramba zvichiwanda, zvikuru kunyika dzichiri kusimukirira dziri kudunhu reSub-Saharan Africa.

Anoti zvakaonekwa kuti chikamu che31 percent chevanhu muZimbabwe vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvisina zviratidzo zvinosanganisira cheshuga, bp uye asthma.

“Pava kudiwa nzira kwadzo dzinoita kuti vanhu varapwe zvirwere zvisina zviratidzo izvi nenguva uye nemitengo iri pasi. Mugore ra2016, machiremba edu eDoctors Without Boarders vakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana vakaita zvirongwa zvekuona kuti munhu wose ane chirwere chemhando iyi abatsirwa.

“Kuburikidza nechirongwa ichi, vanamukoti vanomwe nachiremba mumwe chete vekuzvipatara zvikuru vakadzidziswa kuongorora uye kurapa zvirwere izvi,” anodaro.

Mumwe chiremba akadzidziswa pasi pechirongwa ichi, Dr Brain Nyagadza vanoti dambudziko rekushomeka kwevarapi ndiro guru uye vanofara kuti vakafundiswa kuvheneka nekurapa chirwere cheshuga necheBp.

“Varapi 35 vemudunhu reManicaland vakadzidziswa muchirongwa ichi vakazviratidza kuti zvinogoneka apowo varwere vanodarika 3 000 vakawaniswa ruzivo maringe nezvezviratidzo zvezvirwere izvi uye kuti vanobatsirwa kupi pachena,” vanodaro.

Sangano reDoctors Without Borders (MSF) riripo kupa rubatsiro rwechimbi-chimbi mukurwisa zvirwere pasi rose uye riri kushanda munyika dzinodarika 70.

Share This:

Sponsored Links