Uncategorized

‘Hongu nyoka yaive mumba, asi haina musoro wembudzi’

07 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
‘Hongu nyoka yaive mumba, asi haina musoro wembudzi’

Kwayedza

Ray Bande

NYOKA yakareba mamita matatu iyo yainzi ine musoro wembudzi – ine nyaya yakatenderera padandemutande svondo rapera – inofungidzirwa kunzi yakaurayiwa pane mumwe musha kwaChakohwa kwaMambo Mutambara, kuChimanimani izvo zvasiya vanhu vekudunhu iri vasina neremuromo.

Chiitiko ichi chiri kukonzera mitauro yakasiyana padandemuande, kunyangwe zvazvo VaLazarus Mkundu (69) vari kuramba nyaya yekuti nyoka iyi yakauraiwa pamusha pavo.

VaChenjerai Gonzo vanove jinda raMambo Mutambara vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Takatambira mashoko enyaya yenyoka huru iyo inonzi yaive nemusoro wembudzi inonzi yakauraiwa kwaSabhuku Musweweshiri kwaChakohwa. Zvinonzi nyoka iyi yange yakareba mamita matatu.

“Hatisati taziva kuti imhando ipi yenyoka iyo yainzi yakaita serovambira. Asi iyi inonzi yange iine musoro wembudzi. Tiri pakati pekuita tsvakurudzo yenyaya iyi,” vanodaro.

Sabhuku Musweweshiri, VaOnan William Mudoro, vanoti vakanzwa nezvenyaya iyi uye vachashanyira musha waVaMkundu kuti vanonzwa zvizere.

Asi VaMkundu vanoramba nezvenyaya iyi.

“Nyoka yakauraiwa ndisipo. Asi yakauraiwa pano neiri kutenderedzwa padandemutande zvakatosiyana. Takagara pano kwenguva refu uye hatina kumboziva kuti taigarisana nenyoka.

“Muroora wangu paakauya kuzogara pano, takamupa imba. Saka paaigadzira mumba umu, ndipo pakazowanikwa nyoka yacho. Mumba macho maitombogara vamwe vanhu vaishanda vachigadzira pombi dzemvura uye vakagaramo vachiraramo kwenguva refu asi havana kumbobvira vaiona nyoka yacho.

“Zvinhu zvinoitika kuti unogona kugara nenyoka usingaione. Asi nyaya yekuti yaive nemusoro wembudzi zvinokatyamadza. Zvinonzwisa tsitsi kutoona vanhu vachiuya pano vachibvunza nezvenyoka yakaonekwa ine musoro wembudzi.

“Handisati ndambobata mushonga wechivanhu (juju) muupenyu hwangu. Maoko angu akachena,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mai Tsarai Mkundu, vanotsinhira kuti pane nyoka yakauraiwa pamba pavo.

Vanoti vakazoshamisika vave kunzwa nyaya yacho yave kupidigurwa.

“Ndaive pano pakauraiwa nyoka svondo radarika. Ndakatotsvaga rubatsiro kuvana vemuraini kuti vaiuraye. Yauraiwa, takaiisa mamita akati rebei kubva pamba pedu sezvo ndaida kuiratidza murume wangu uyo akazoikanda muchimbuzi paakadzoka.
“Zvinoshamisa kunzwa vanhu vave kushandura nyaya yacho,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links