Huchapupu hwekupona gomarara

19 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Huchapupu hwekupona gomarara Muzvare Linda Sibanda

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

MUZVARE Linda Sibanda (48), avo vaifanira kutanga kubatsirwa nekurapwa chirwere chegomarara (radiotherapy) mushure mekubatwa nedenda iri pakatanga kuvharwa mabhizimisi nekuda kweCovid-19 musi wa31 Kurume 2020 panguva yelockdown, vakanga vava kutya kuti apa ndipo paperera upenyu hwavo.

Kunyange zvazvo vanachiremba vakavaudza kuti pane zvaigona kuitwa pamusoro pegomarara remuchibereko iri, vakafungidzira kuti vaigona kufa nechirwere ichi apo vaimirira kuti mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 inyevenutswe.
Mushure mekuona kuti vakanga vasingachateveri zvakanaka sezvavaisita kare, Muzvare Sibanda vaigara vachiongororwa gomarara nguva nenguva.

Izvi zvakazoita kuti vabatwe kuti vane gomarara remuchibereko munaZvita 2019.
Zvisinei nekuti vakasangana nematambudziko maringe nenyaya dzekurapwa panguva yelockdown, Muzvare Sibanda vakakwanisa kurapwa uye vave chapupu chekuti kukasika kuongororwa gomarara kunobatsira kuti munhu akwanise kurapwa nguva ichiripo.
Ongororo yakaitwa nesangano reCancer Registry of Zimbabwe inoratidza kuti vanhu 7 841 vanobatwa negomarara kekutanga gore rega-rega muZimbabwe.

Chirwere chinonzi chinonyanyobata vanhu muZimbabwe zvisinei nerudzi rwavo ndechemuchibereko (21 percent), prostate (11 percent), repazamu (8 percent), non-Hodgkin lymphoma (5 percent), oesophagus (4 percent), Kaposi sarcoma (4 percent), colorectal (4 percent), remuura (3 percent) neremumapapu (3 percent).

Dzimwe mhando dzegomarara dzinobata vanhu dzinonzi dzinotora chikamu che37.
Muzvare Sibanda vanoti vanofara chaizvo kuti vakarapwa vakapora zvisinei nekunonoka kwavakaita kubatsirwa nekuda kweCovid-19.

“Ndiri mudzimai ane makore 48 uye ndine mwana mumwe chete, ndakabatwa gomarara remuchibereko munaZvita 2019. Vabereki vangu, vemhuri neshamwari havana kuzvibvuma asi vanachiremba vakandiudza kuti ndaive negomarara raikwanisa kurapika,” vanodaro.
Muzvare Sibanda vanoenderera mberi vachiti:

“Ndakavhiyiwa munaNdira ndikazovhiyiwa zvakare munaKukadzi uye zvakabudirira vakabvisa bundu raiva pamuromo wechibereko changu. Ndaifanira kuitwa radiotherapy apo Covid-19 ichangopera saka ndakamirira ndichiziva kuti gomarara raigona kupararira rikandiuraya.”

Vanoti mushure mekumirira kwenguva yakareba, mitemo yelockdown yakanyevenutswa munaChikunguru 2020 uye vaifanira kutangisa radiotherapy.

“Mhuri yangu yaisazvibvuma, zvekuti vakasvika pakuti tinamatire dhimoni raikonzeresa gomarara asi ndakazviona kuti zvaida kuti ndiende kuchipatara. Ndinoda kukurudzira mamwe madzimai kuti vapote vachienda kunoongororwa gomarara,” vanodaro Muzvare Sibanda.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti gomarara rakangofanana nezvimwe zvirwere uye harikonzerwe nekuroyiwa sezvinofungwa nevamwe.
“Pandakatanga kufungidzira kuti ndaive negomarara, ndakamhanya kubvisa pfungwa iyi (yekuti rinokonzerwa nekuroyiwa) ndokutanga kunamata nezvazvo ndichiita kunge pasina chiripo,” vanodaro.

Muzvare Sibanda vanoti madzimai anofanira kutora mukana wekubatsirwa pachena kwavanoitwa kuzvipatara zveveruzhinji kuti vaongororwe sezvo zvichichengetedza upenyu hwavo.

Share This:

Sponsored Links