Uncategorized

Humbimbindoga padare hune ngozi

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
NHAMO zhinji pangava pamusha, mumakambani kana munyika dzinokonzerwa nekushaikwa kwepfungwa dzakasiyana-siyana pamatare. Dare chairo nderinorodzana pfungwa dzevadare, paine vavariro yekubuda nepfungwa dzakanaka uye dzinopa pundutso mumagariro evanhu.

Zvino kana padare pakaendwa kunosimbisa pfungwa yemunhu mumwe chete, izvozvo zvine ngozi nokuti dare rinenge richitarisa munhu mumwe chete bedzi, kwete vazhinji. Zvino dare rino rinoti musha, dunhu, kambani kana nyika hazviumbwe nemumwe chete.

Kana muri mumhuri, ukapikisa pfungwa yamukuru pamusha, unodzokera netsoka kana mambouya mose naye mumotokari yake kudare iroro, hazvineyi kuti kure sei. Unonzwa muzvinasimba oti haachina nzvimbo yako mumotokari yake.

Unonzwa oti pana mbuya nanga vari kuda kuenda Harare saka wotoona zvekuita kuti udzokere. Apa hauna kana kobiri rebhazi.

Naizvozvo unomakidzwa kuita zvinodiwa naiye.

Kana pari pakambani, unotya kunyimwa basa riri pamusoro, nokudaro zvose zvataurwa navanyamasimba unongoti zvakanaka kunyangwe usingawirirane nazvo. Vazhinji vadare vanotsvira mumwoyo vachida kutsigira iyeyo nyamasimba.

Zvino ane masimba uyu kana akaregererwa achiita zvaanoda, anotora vamwe vose sevanhu vasingafunge zvakanaka. Nhamo yatinozosangana nayo ndiyoyo yekuti musha kana kambani haibudirire nokuda kwekuitwa vanhu vakanaka nouyo ane masimba.

CHENJEDZO:

Zvakanaka kuti nyamasimba nevadare vose vakure mupfungwa nokurodzana pfungwa. Kana pfungwa dzapepetwa, panosarudzwa dziri pamusoro pane zvepundutso. Izvi hazvireve kuti vechikuru vanenge vatorerwa chinzvimbo, asi kutoti vanotopihwa mbiri yekuti vanogona. Asi kugona kwavo kwabva mudare ravo. Izvi zvinoreva kuti vanyamasimba vanogona kushandisa zvipo zviri mudare ravo, izvo zvinounza mbiri mumhuri, mukambani kana munyika mavo. Dare rino rinongokurudzira vane masimba vose kuti zvakanaka kupepeta pfungwa zhinji pane kufamba nepfungwa imwe chete nokuti imbwa mbiri hadzitorerwe nyama. Tikasanganisa pfungwa dzakawanda tinoumba zvinhu zvikuru mumusha, mukambani nemunyika. Humbimbindoga hune ngozi, hunongoda munhu achigara oga.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>