‘Humhondi bodo’

15 Jul, 2022 - 13:07 0 Views
‘Humhondi bodo’ Captain Manex

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura – Emmanuel Chipucha – uyo vazhinji vanoziva saCaptain Manex, anoti vaimbi vanofanirwa kutora chikamu chikuru mukurwisa nyaya dzehumhondi nehumbavha uho hwawanda kuburikidza nekutsikisa nziyo dzinovaka.

Captain Manex, uyo anotungamira chikwata cheOchestra Horizon, anoti nyaya dzehumhondi nehumbavha dziri kuwanda mazuva ano.

“Mazuva atiri kurarama akaipa zvikuru nekuti nyaya dzehumbavha, humhondi uye kuparara kwedzimba zviri kuwanda izvo zvinopisa tsitsi.

“Saka sevaimbi, ibasa redu kuti tinge tichitsikisa mhanzi inovaka nekubatanidza vanhu kuti vagare murudo nguva dzose. Mhanzi yatinotsikisa inoshanda zvikuru mukushandura mafungiro everuzhinji,” anodaro.

Captain Manex anoti sevaimbi, pavanoita mashoo zvakakosha kuti vawane mukana wekumbotaura nevatsigiri vavo vachivakurudzira kuti vasiyane netsika yekuita mhirizhonga.

“Isu chatinoda rudo chete nguva dzose kwete vanhu kugara vachirwisana kana kubayana nemapanga. Kune vanhu vave kuita tsika iyoyo yekubaya vamwe nemapanga kunyangwe kuri kumashoo chaiko evaimbi. Saka ndinokurudzira vamwe vaimbi kuti patinoita mashoo ngatitore kanguva katinombotaura nevatsigiri vedu tichivadzidzisa kana kuvakurudzira kuti vagare murunyararo nguva dzose vasiyane nekuita mhirizhonga kungave kudzimba, kumabasa kana kumashoo edu pamwe nekuti varege katsika kekufamba nezvombo zvinokuvadza,” anodaro.

Captain Manex

Captain Manex – uyo anozivikanwa nenziyo dzinosanganisira Malume (Pfuma), Mhezi yeRudo, Matemai, Handina Hubhinya uye Mwanangu Shayne – anoti pari zvino ari pakati pekubika dambarefu rake rechipiri rinotevera rekutanga rinonzi Mhezi yeRudo iro akaparura gore radarika.

Mukukura kwake, Captain Manex anoti aiyemura vaimbi veSungura vakaita mukurumbira vanosanganisira Madzibaba Nicholas Zacharia neKhiama Boys, Thomas Makion, Ketai Muchawaya naChamunorwa Nebeta.

Sevamwe vaimbi, anoti basa rake rakambodzoserwa kumashure nechirwere cheCovid-19.

“Kuuya kwakaita denda reCovid-19 ini kwakandivhura kumeso nekuti ndakatanga kuzvishandira nemaoko angu ndichiita mabasa akasiyana.

“Saka ndinoti vaimbi ngatishandise maoko edu tiite mabasa akasiyana nekuti magitare anombooma dzimwe dzenguva. Asi kana tichiita mamwe mabasa, zvinotibatsira kutsvaga mari yekutsikisa dzimwe nziyo,” anodaro Captain Manex.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>