Uncategorized

Humhondi hwawanda: ZRP

09 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Humhondi hwawanda: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kupondana munyika nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Kune dzimwe nzvimbo vanhu vanopedzisira vopondana ava vanonzi vanenge vachityora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nemusi wa31 Chikunguru pane murume aive nemakore 38 okuberekwa akapondwa nemurume akangozivikanwa nekuti Mosquito apo vakatadza kunzwanana mugakava vachinwa doro kuUnit L, kuChitungwiza.

Vanoti zvakare nemusi wa2 Nyamavhuvhu, kuChikuti, kuHurungwe kune murume wemakore 42 akarohwa nechidhinha kamwe chete mumusoro achibva akuvara vachinetsana nekuda kwechikwereti cheUS$60.

Murume uyo anonzi akazoendeswa kukiriniki yeMtala uko kwaakasvikofira.
Zuva rimwe chete iri, murume wemakore 35 okuberekwa wekuZaka anonzi akarova mumwe murume aive nemakore 72 necheya kamwe chete mumusoro achibva afa apo aida kuti apihwe matendo ekubatsira uko akaita mombe yemurume uyu.

“Tine zvakare nyaya yakaitika nemusi wa28 Chikunguru nenguva dza9 mangwanani, pane murume wemakore 92 akatorerwa tsvimbo yaaishandisa pakufamba achibva arohwa nayo kamwe chete nemurwere wepfungwa pasina chikonzero. Murume uyu akazoendeswa kuchipatara chekuShamva uko akasvikofa nemusi wa1 Nyamavhuvhu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Pane imwewo nyaya iri kuferefetwa nemapurisa ekuDete yakaitika nemusi wa1 Nyamavhuvhu apo zvinonzi pane murume wemakore 20 akatema mumwe murume kamwe chete nedemo nekuda kwegakava remagirosari anonzi aibva kuSouth Africa.

Nyakupara mhosva iyi anonzi akatosungwa.

“Tine imwezve nyaya yemurume anonzi Duncan Xolani Hadebe (35) ari kupomerwa mhosva yekuedza kuponda yakaitika nemusi wa31 Chikunguru. Hadebe anonzi akaridza pfuti yerudzi rweFN kaviri akanongedzera munhu nekuda kwegakava remuganhu wemunda,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kugadzirisa nyaya dzavo murunyararo uye kuti vakoshese upenyu hwevanhu.

“Nyaya dzekupondana idzi dzinogona kudzivirirwa chete nekutaurirana murunyararo pasina kurwisana. Vanenge vapokana vanogona kutsvaga vayananisi kana kuenda kumapurisa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>