Uncategorized

‘Hunhubu kumapurisa kwete’

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

MAPURISA anofanira kuva nehunhu hwakanaka vachishanda vaine chinangwa chekuchengetedza runyarararo munyika pamwe chete nekudzivirira mhirizhonga.

Mashoko aya akataurwa nemukuru wechikamu chemapurisa (Officer Commanding) Support Unit, Senior Assistant Commissioner Mekia Tanyanyiwa svondo rapera.

Vakataura izvi vari kuShamva Battle Camp, kuMashonaland Central pakupedza zvidzidzo kwemapurisa 167.

“Chikwata chemapurisa eSupport Unit chinofanira kugara chiine vanhu vakasimba, vane chinangwa nechido nebasa ravo. Chikwata ichi ndechemapurisa anenge akadzidziswa nemazvo mukuderedza kana kupedza mhirizhonga pamwe chete nekuchengetedza runyararo.

“Nekupedza kwaita zvidzidzo vatinavo nhasi ava, zvinoratidza kuti simba rawedzera pamwe chete nerutsigiro muchikwata chemapurisa ichi,” vakadaro.

Snr Asst Com Tanyanyiwa vakati hunhubu kumapurisa haudiwe zvachose uye vanobatwa vachiita izvi vacharangwa.

“Kuno kuSupport Unit tinoziva kuti kuti munhu ange akasimba anofanira kugara achisimbisa nyama kuburikidza nekuenda kunotirena. Vari pano nhasi ava vakaita zvidzidzo zvinosanganisira kuchengetedza runyararo, kushandisa pfuti, nhoroondo yenyika yedu, kukosheswa kwekodzero dzeveruzhinji nezvimwwewo. Kuno kumapurisa hatikurudziri nhubu asi kuti vanhu vane hunhu hwakanaka. Hatitarisiri vanhu vanoshandisa zita rechipurisa kuita mabasa akaipa kune veruzhinji. Kuno sezita redu rekuti “Gondo Harishayi” mapurisa anofanira kuziva kuchengetedza runyararo, nyika pamwe chete nekugona kubatsira zvimwe zvikwata zvemapurisa,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>