Hurumende yazivisa mitengo yezvirimwa

27 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Hurumende yazivisa mitengo yezvirimwa Dr Masuka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE nemusi weChishanu yakazivisa mitengo mitsva yezvirimwa zvakadai sechibage, mbesa dzetsanga diki, soya bhinzi, maringazuva uye mutengo wegorosi risati radyarwa remwaka wemuchando wegore ra2023.

Mitengo iyi yakaziviswa nebazi rezvemimnda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa rakabatana nerehomwe yenyika.

Mutengo wechibage iUS$335 patani apo varimi vachabhadharwa US$200 nemari yekunze uye US$135 nemari yemuno.

Gurukota rezvemimnda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti zvirimwa zvakadai sechibage, soya bhinzi, gorosi nemaringazuva zvakakosha zvikuru mubudiriro yenyika.

“Kambani yeGMB ichange ichibhadhara zvirimwa izvi nenzira inotevera: US$335 patani yechibage nembesa dzetsanga diki, US$580 patani yesoya bhinzi kuchizoti maringazuva US$696 patani.

“Mari iyi ichange ichibhadharwa nemari yekunze pamwe neyemuno zvichifambirana nemusika wemari weHurumende kumabhanga.

“Pachirongwa chegorosi, varimi vachabhadharwa US$520 patani,” vanodaro.

Pamutengo wesoya bhinzi weUS$580 patani, varimi vachabhadharwa US$348 yemari yekunze uye US$232 nemari yemuno.

Maringazuva achange achibhadharwa US$765.6 patani apo varimi vachapihwa mari yekunze US$418 neUS$347.6 yemuno.

Mutevedzeri wegurukota rezvehomwe yenyika, Dr Clemence Chiduwa, vanoti Hurumende yakasunungura musika wechibage nezvimwe zvirimwa zvetsanga diki kuti varimi vakwanise kutengesa goho ravo kuGMB pasina zvimhingamipinyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey