Hurumende yobatsira varimi nechikafu chezvipfuyo

02 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Hurumende yobatsira varimi nechikafu chezvipfuyo Professor Obert Jiri

Kwayedza

Judith Phiri

HURUMENDE yapindira munyaya yekuchengetedza danga renyika nekubatsira varimi nechikafu chekuti vasarasikirwe nezvipfuyo zvavo, zvikuru munguva ino apo Zimbabwe yakatarisana nenzara iri kukonzerwa nekusanaya kwemvura panguva iyo vamwe varimi vange vave kupedzerwa mombe nemakoronyera ayo ari kudzitenga nemitengo iri pasi-pasi.

Muhurukuro, munyori kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Professor Obert Jiri vanoti Hurumende iri kushushikana nemamiriro akaita zvinhu maringe nekusimudzirwa kwedanga renyika.

Vanoti Hurumende iri kusimudzira hurongwa hwakaita sekucheresa zvibhorani uye kupa rubatsiro rwechikafu chezvipfuyo ichibatsirana nemasangano anoona zvekurima.

Prof Jiri vanokurudzira varimi kuti vasavhunduke, asi kuti vatange kubvisa zvirimwa zvakaoma muminda vachipa zvipfuyo zvavo kuti zvibatsirikane sezvo zvisina kuzonyatsosvika nekuda kwekushomeka kwemvura.

“Varimi havafanire kutengesa zvipfuyo zvavo zvose asi kuti vavavarire kuzviwanisa chikafu kuti vasarasikirwe. Tinovakurudzira kuti vaunganidze mabhero ehuswa uye vawane mvura yezvipfuyo.

“SeHurumende, tiri kufambisa zvakare nzira dzekurwisa kusanaya kwemvura izvo zvatiri kukurudzira kuti varimi vatevedzere,” vanodaro.

Vanoti Hurumende yave kugadzira chikafu chezvipfuyo icho chichaendeswa kunzvimbo dzine dambudziko guru.

Prof Jiri vanokurudzira varimi kuti vaende kubazi rinoona nezvezvipfuyo reDepartment of Veterinary Services kuti vawane rubatsiro rwemagadzirirwo echikafu chakadai sechemombe.

Vanotiwo Hurumende iri kushanda nemasangano akazvimirirra muzvirongwa zvekupa chikafu chemombe.

Sangano reFood and Agriculture Organisation (FAO) riri kushanda pamwe chete neHurumende muchirongwa chekubatsira varimi nechikafu chezvipfuyo.

Hurumende yakapindira mushure mekuona kuti varimi vazhinji vanga vava kutengesa zvipfuyo zvavo nekutya kurasikirwa nekuda kwenzara.

Share This:

Sponsored Links