Uncategorized

Hurumende yozivisa mavhurirwo ezvikoro

25 May, 2020 - 00:05 0 Views
Hurumende yozivisa mavhurirwo ezvikoro Minister Mathema

Kwayedza

Debra Matabvu
HURUMENDE inozivisa kuti zvikoro zvava kuzovhurwa pakati pemwedzi unouya asi izvi zvichaitwa muzvikamu nezvikamu kuitira kuderedza mikana yekuti vana nevadzidzisi vasabatwe nechirwere cheCovid-19.

Asi zvikoro zvisati zvavhurwa, vadzidzisi vose vachatanga vavhenekwa chirwere cheCovid-19 kuitira kuti vasazoisa vana vechikoro panjodzi yehosha iyi.

Pamusoro pezvo, varairidzi vose vari kutarisirwa kutanga vaita zvidzidzo zviri pamusoro pechirwere cheCovid-19.

Nekune rimwe divi, Hurumende ichatanga yapinza vamwe varairidzi 6 000 mabasa, zvose zvichiitirwa kuti panozovhurwa zvikoro, vana vanenge vasiri panjodzi yakakura yekuzadzwa kana kuzadzana coronavirus kana Covid-19.

Coronavirus hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Kusvika nemusi weMugovera, vanhu 56 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekunge vavhenekwa.

Zvikoro, makoreji nemayunivhesiti zvakanonoka kuvhurwa sedanho rekuti patange paitwa ongororo negadziriro dzekuona kuti zvakakodzera here kana kuti kwete kuti vadzidzi vadzokere kunodzidza apo nyika iri kurwisa chirwere chandengendesa pasi rose ichi. Asi pakupera kwesvondo radarika, Hurumende yakazozivisa kuti mayunivhesiti nemakoreji ava kuzovhura panotanga mwedzi unouya — zvichitanga nevadzidzi vakatarisana nebvunzo pamwe chete neavo vava mugore rekupedzisira.

Panguva iyi hazvina kunge zvaziviswa kuti zvikoro zvepuraimari nezvesekondari zvichavhura rinhi.

Vachitaura muhurukuro nemusi weMugovera, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Cain Mathema vanoti zvikoro zvava kuzovhurwa kubva pakati pemwedzi uri kutevera — chipo chemavhiki matatu kana mana kubva iye zvino.

Cde Mathema vanoti: “Zvikoro zvava kuzovhurwa mushure memasvondo matatu kana mana kubva pari zvino.”

Vanotizve segadziriro yekuti zvikoro zvichivhurwa, Hurumende inoda kutanga yapinza varairidzi 6 000 mabasa kuitira kuti pasazova nezvimhingamipinyi zvinounzwa neCovid-19 nekuda kwevadzidzisi vasina kunyatsokwana. Izvi zvichaita kuti Zimbabwe ive nevarairidzi 140 000 pamwe chete.

Zimbabwe ine vana vechikoro vepuraimari nesekondari mamiriyoni 4,5.

“Vana vari kunyora bvunzo dzegore ra2020 ndivo vachatanga kuvhura, vachizoteverwa nevachanyora muna2021 kwangodarika masvondo maviri kana matatu, vamwe vose vozovhurawo saizvozvo,” vanodaro Cde Mathema.

Chikamu chevana chechitatu chichange chiri chevadzidzi veGrade Three, Four, Five pamwe chete neveForm One neTwo.

Chikamu chechina pahurongwa hwekuvhurwa kwechikoro ndechevana veGrade One neTwo kuchiti vana veECD ndivo vachapedzisira kuvhura zvikoro.

Asi vana ava vasati vadzokera kuchikoro, varairidzi vose vanotarisirwa kutanga vavhenekwa chirwere cheCovid-19 kuitira kuti vana vasazopinda munjodzi.

Mamwe matanho matsva anotarisirwa kuti muzvikoro munge mava nemichina inovheneka kudziya kwemuviri yevana uyewo vadzidzi vose vachapihwa zvekudziviririsa chirwere semamasiki nemishonga yekukwiza mumaoko kuitira kubvisa hutachiona (sanitisers).

Muzvikoro mava kudiwawo mamwe matafura ekunyorera nekuverenga nezvigaro zvitsva kuitira kuti pachadzoka vana kuchikoro, vasazodzidza vakaita chitsokotsoko asi kufunda vakataramukana (social distancing).

Hurumende iri kuronga kunge yagadzirisa dzimwe dzimba dzekudzidzira sezvo kirasi imwe neimwe ichadimbura nepakati nechinangwa chekukoshesa nyaya dzekuti vanhu vasagare vakabatana kuitira kudzivirira kutapurirana coronavirus kana Covid-19.

Zvose izvi zviri muhurongwa hwebazi redzidzo yepuraimari nesekondari uhwo hwakananga kurwisa Covid-19.

Cde Mathema vanoti vakatosangana nemapoka anomiririra varairidzi ndokuapakurira hurongwa uhwu. “Zvikoro tichavhura nezvikamu zvikamu sezvakarehwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa. “Tinoda kutanga taona kuti muzvikoro makodzera kuti vana vadzoke, naizvozvo taita zvakawanda kuti izvi zvivepo,” vanodaro Cde Mathema.

Kana dai zvazvo nguva yekuti zvikoro zvivhurwe yafamba, Hurumende haisi kuzodimbudzira.

“Tinoda kutanga taona kuti maticha ose avhenekwa, Hurumende ndiyo ichaona kuti danho iri raitwa. Tichakoshesa kuti vana vadzidze vari kure nekure muzvikoro. Semuenzaniso, zvimwe zvikamu zvavana zvichakamurwa nepakati, vamwe vana vofundira kwavo,” vanodaro.

“Izvi zvinorevawo kuti tiri kuzopinza mamwe maticha mabasa. Takatopihwa mvumo yekutora varairidzi vatsva 6 000. Kuvhurwa kwezvikoro kuchasiyaniswa nemasvondo maviri kana matatu.”

Hurumende iri kurongazve muzinda wekuti vana vose vakwanise kudzidza padandemutande. Izvi zvichaitwa pachishandiswa WhatsApp pamwe chete nenhepfenyuro.

Zvirongwa zvekurwisa chirwere cheCovid-19 zvakatotanga mune zvimwe zvikoro izvo zviri kugadzira zvekudziviririsa denda iri semamasiki, mishonga yekuzora mumaoko nematafura ekunyorera nezvigaro zvacho.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, VaPatrick Zumbo vanoti hurongwa hwekuti zvikoro zvivhurwe muchechetere zvakatotanga kumatunhu ose enyika. “Zvikoro zvine chitsama zvakatotanga kare kugadzira zvinhu zvakaita semamasiki,” vanodaro.

Zvisinei, mamwe emasangano anomiririra varairidzi achiri kupikisana nedanho rekuti zvikoro zvivhurwe achiti Hurumende haisati yanyatsoita zvose zvinodiwa kuti zvikoro zvishande mutserendende.

“Tinoona sekuti nguva haisati yakodzera kuti zvikoro zvichivhurwa. Tinoti Hurumende inofanirwa kuwanisa mwana wose, murairidzi wose pamwe chete nevamwe vashandi vemuzvikoro mamasiki asi hatione izvi zvichikwanisika mumavhiki mashoma asara kuti zvikoro zvivhurwe,” anodaro mukuru weProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Dr Takavafira Zhou.

Zvikoro, makoreji nemayunivhesiti zvainge zvakasika kuvharwa nekutyira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>