Idai: Hurumende yovakisa zvikoro

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Idai: Hurumende yovakisa zvikoro VaShumba

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HURUMENDE inoti yakatora danho rekuti zvikoro zvose zvakasangana nedambudziko remafashamu emvura yedutumupengo reCyclone Idai zvivharwe, zvozokasika kuvhurwa nemasvondo maviri panotanga temu yechipiri nemusi wa7 Chivabvu sezvo mamiriro ezvinhu pari zvino asina kukodzera kuti vana vadzidze zvakanaka.

Muhurukuro neKwayedza, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, avo vaiva kuChimanimani svondo rapera, vanoti Hurumende yakapa $4 miriyoni yekuvakisa zvikoro zvakaparadza nemafashamu aya.

Vanoti zvikoro zvakavharwa izvi zvinotarisirwa kuvhurwa musi wa23 Kubvumbi – masvondo maviri temu yechipiri isati yatanga kuitira kuti vana vawane nguva yavakarasikirwa nedzidza pakaitika njodzi iyi.

“Takavaudza kuti vavhare zvikoro zvakasangana nenjodzi iyi senzira yekuderedza kushungurudzika uye kupa mukana wekuti zvivakwa zvinge zvichigadziriswa.

“Takavati vavhare nekuchimbidza, kunyanya mabhodhingi, kunyangwe nezvimwe zvikoro izvo vana vanodzidza vachidzokera kudzimba nekuti vakarasikirwa nezvakawanda,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoziva kuti vana ava vari panguva yekushungurudzika, vamwe nekuda kwekufa kwevabereki vavo, vamwe vemumhuri dzavo havazi kuonekwa, kunove kushungurudzika kukuru. Nekudaro hapana fundo ine punduko inokwanisika kuitika nekuda kwemaririro ezvinhu aya saka takati zvikoro izvi zvivharwe.”

VaMoyo vanoti zvimwe zvikoro zvakarasikirwa nemabhuku, zvigaro zvevana uye zvivakwa zvikaparadzwa.

“Hurumende yakapa $4 miriyoni yekuvakisa zvikoro izvi. Tiri kutarisira zvakare chirongwa chekuvandudza zvimwe zvikoro zvose zviri munzvimbo yakasangana nemafashamu aya,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti $4 miriyoni yakapihwa neHurumende iyi haikwane mukuvandudza zvikoro izvi sezvo zvakaparadzwa zvakanyanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>