Uncategorized

IDAI nyika yakandengendeka

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
IDAI nyika yakandengendeka President Mnangagwa

Kwayedza

Tendai Mugabe
HURUMENDE inoti pane kundengendeka kwenyika kwakaitika kuChimanimani nekuChipinge kusati kwanaya mvura yemafashamu yaive nedutumupengo iyo yakauraya vanhu 344 pamwe nekuparadza midziyo inokosha mabhiriyoni emadhora.

Apo vakashanyira Chimanimani neChipinge kanokwana kaviri, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakataura pamusoro penyaya yekuti pane zvakaitika zvisinganzwisisike munzvimbo idzi izvo nyanzvi dzinofanira kuita ongororo nezvazvo.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri pamusoro pezvaive zvakurukurwa mudare reCabinet, gurukota rekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende iri kushanda nesimba kuti itsvagire vamwe vanhu vakasangana nenjodzi iyi pekugara.

Hurumende ine hurongwa zvakare hwekuve nezvivakwa zvinove mucherechedzo (monuments) wekurangarira vanhu vakafira munjodzi iyi kunzvimbo dzakanyanya kuparadzwa neCyclone Idai.

Izvi zviri kuuya panguva iyo Hurumende yazivisa kuti iri kutsvaga $612 miriyoni yekubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu aya.

“Cabinet yakaonawo kuti kuparadzwa kwakaitwa kwakawedzerwa nekundengendeka kwenyika kwakaitika nechiyero che3.8 magnitude kuChimanimani nguva pfupi-pfupi apo cyclone iyi yakange isati yatanga,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Vanoti pane chikwata chenyanzvi chiri kuChimanimani neChipinge chiri kuongorora hudzamu hwekuparadzwa kwakaitwa uye nekuona kuti zvii zvingaitwe munguva inotevera maringe nekuti vanhu vagare panzvimbo dzisina njodzi. Vanoti basa guru richatanga kuitwa rinosanganisira kugadzirwa kwemigwagwa yakaparadzwa nemafashamu, mazambuko nekuvakwa kwezvikoro nemakiriniki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>