Uncategorized

‘Idumbu renyama yehuku’

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘Idumbu renyama yehuku’ Mai Maria Chitsamba vachitaridza dumbu ravo rakazvimba - Mifananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaMusami, kwaMurehwa — uyo ari kurarama nedumbu rakazvimba zvekunge richaputika —anoti izvi zvakaitika mushure mekunge abikirwa nyama yehuku neimwe hama yake yepedyo, iye ndokuidya.

Mai Maria Chitsamba (45) vemubhuku raChigombe, kwaMambo Mangwende — avo vakasiyana nemurume wavo makore ane chitsama akadarika — vanoti kune vanhu vehukama nevatorwa vari kufambisa mashoko emanyepo ekuti vakazvimba dumbu mushure mekunge vaba huku kana kuti vakagadzirwa vashereketa nemurume wemuridzi.

“Nyaya yekuti ndakazvimba dumbu nekuti ndakaba huku ndeyemanyepo. Vanhu havanyare kuti munhu anorwara seni vanoramba vachindirwadzisa nemashoko, zvinotaurwa muno kakawanda.

“Vamwe vanoti ndakashinha nemurume wemunhu ndikagadzirwa. Ini ndaiva nemurume asi ndikasiyana naye.

“Dumbu rangu rakatanga kuzvimba mugore ra2017 mushure mekunge ndakabikirwa huku nemumwe mudzimai anova hama yangu yepadyo,” vanodaro.

Mudzimai uyu anogara nevana vake vaviri — wemakore 12 okuberekwa neane makore matanhatu.

Anoti akabvakacha achibva kwaaiva akaroorwa, ndokusvikotambirwa kumba kwehama yake uko akaurairwa huku yaakadya oga — imwe yacho ndokutakura.

“Ndakaurairwa huku zvikandishamisa kuti nekunyima kwemukadzi uyu chiiko chainge chamuita kuti adaro. Yakaitwa zvekukangwa mupani, imwe nyama ndokuchengetwa.

“Ndakadya nyama iyi nesadza ndoga ndokuzotakura imwe yacho asi musi wakare, mudumbu mangu makatanga kurwadza akava mavambo ekuzvimba kwedumbu iri,” vanodaro.

Mai Chitsamba vanoti havabe kana kuita chipfambi sezvinorehwa nevamwe vanhu.

“Ndinofamba kwakawanda ndichitsvaga rubatsiro uko ndinoudzwa kuti ndakaroyiwa nenyama yehuku. Ndinoenda kuchipatara cheMusami uko ndinobviswa mvura mudumbu umu, izvozvi nhasi mawana rakaserera nekuti ndakabva kuchipatara svondo rino,” vanodaro.

Mudzimai uyu ave kurarama nekupemha sezvo achigara arere pasina anogona kumuitira mabasa.

“Ndinoenda kuchipatara mwedzi woga-woga uko kunodiwa mari yakawanda iyo yandisingawane. Ndaiita basa rekuhodha ndichitengesa asi zvino handichazvikwanisa.

“Chekudya kana mbatya dzangu nedzevana handina. Mbatya dzandiinadzo hadzichakwana zvekuti ndave kugara ndakamonera zambia,” vanodaro Mai Chitsamba

Vanoti pakatanga dambudziko ravo, vairutsa ropa izvo zvakazomira nekufamba kwenguva.

“Vabereki vangu vose vakashaika nevamwe vandakaberekwa navo, ndangosarirwa nehanzvadzi imwe chete. Handina wandinochemera kunze kwaMwari Nyadenga.

“Handizive kuti ndinodyei parinodoka nekubuda, apa vana vanoenda kuchikoro nenzara. Ndakamboedza kuchengeta huku netsuro asi zvakabiwa nekuti pano hapana munhu wechirume.”

Mai Chitsamba vanoti vanoda kuenda kumachiremba ekunze kwenyika kana vamwe vakazvimirira vemuno avo vanonzi vari kuda US$6 000 kuti vanovhiiwa.

Marbel Manyonga (38), anove muroora kunaMai Chitsamba, anotsinhira kuti kune vanhu vanotaura mashoko ekuti tete vake vari kuzvimba dumbu nekuti vakaba huku.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanomubata panhare dzinoti 0776 124 162 kana 0771 858 543.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>