Uncategorized

‘Idya tsvina yako upore’

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Idya tsvina yako upore’ VaMatanhire

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mubhuku raDyora, kwaMambo Nyajina, kuUzumba, anoti hurwere hwake hwekupunzika kuburikidza nedenda retsviyo kana kuti pfari hwakakonzera kuti adyiswe tsvina yake nezvimwe zvinhu zvisingaite nen’anga nemaporofita achinzi ndiko kumurapa asi hapana chakabatsira.

VaCephas Shupika Matanhire (73) vanoti vakatanga kutambudzwa netsviyo mugore ra1977 apo vaiva mukuru weimwe kambani yaiva muguta reSalisbury (yava Harare).

“Ndaishandira Super Visor Capital Bag apo ndaiva supervisor. Rimwe zuva ndakangoti ndichangobuda pabasa, ndakaita dzungu ndokupunzika ndokuzobengenuka vanhu vakandiunganira ndichidirwa mvura. Kubva ipapo dambudziko retsviyo rakabva ratanga,” vanodaro.

Vanoti vakaenda kuzvipatara asi denda iri rakaramba kupera zvakasvika pakuvaburitsisa basa mugore ra1992.

“Ndakatanga zvino kuchifamba ndoga, dzimwe nguva nehama dzangu, tichiedza zvose. Hama dzakazotanga kundisuduruka, mudzimai wangu wekutanga akandiramba.

“Mukufamba umu, ndakadyiswa zvakawanda kusanganisira tsvina yangu chaiyo ndichinzi ndiko kuti ndipone ini ndikadya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kana watambura unoita zvose-zvose. Ndakadya tsvina yangu ndanzi ndiite izvi nen’anga yandakanga ndanoona kuChiweshe. N’anga iyi yakaisanganisa nemishonga, ikapika kuti ndizvo zvinondiponesa saka ini ndakaikambura nekuda kupona.”

VaMatanhire vanoti n’anga iyi yakavapa mwedzi miviri ichiti dambudziko ravo rinenge rapera asi hapana chakasanduka zvisinei kuti vakabhadhariswa mombe semuripo nemari pamusoro.

“Unodyiswa zvose-zvose kana warwara. Kumwe ndainodyiswa magakanje mambishi, ndichitengeswa nyama yakawanda yehuku nemazai apo ini ndainzi ndidye zvishoma zvizhinji zvosara n’anga kana maporofita. Mari nezvipfuyo zvakapera ndichiedza kurapwa,” vanodaro.

Murume uyu anoti akaroora madzimai mashanu vachimutiza nekuda kwedambudziko iri uye akazogara newechitanhatu uyo waakasangana naye achirapwawo neimwe n’anga yekuChipinge.

“Izvozvi ndine mudzimai wechi6 anonzi Idah Mungana (70) uyo akazvipira zvake kugara nemunhu ainzi nevamwe ave kufa, ndinomutenda,” vanodaro.

VaMatanhire vanoti vakazoramba vachitsvaga anovabatsira kusvikira vazorapwa mugore ra2003.

“Ndakazorapwa ndikaita zvakanaka mugore ra2003, saka handichapunzika,” vanodaro.

Vanoyambira vamwe vanhu kuti vakange vawirwa nedambudziko rakaita seravaiva naro, vasabvume kudyiswa zvose-zvose sezvavakaitwa.

N’anga nemaporofita vari kuita zvinorova. Nguva pfupi yadarika Kwayedza yakaburitsa nyaya yevanhukadzi vechikuru vaviri vekuBuhera avo vakafa mukati memazuva maviri akatevedzana mushure mekunge vabaiwa majekiseni 32 – mumwe 17 mumwe 15 – nemumwe murume anozviti muporofita apo vakaenda kwaari vachitsvaga kubatsirwa.

Izvi zvakaitika kwangopera svondo rimwe chete vamwewo amai nemwanasikana wavo vekuBulawayo vafa mushure mekunge vanwa muteuro weraki wavakapihwa nemuporofita weko.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti machiremba echivanhu anodyisa vanhu zvakaita setsvina ngavasungiswe.

“Hatibvumidze zvakadaro, n’anga nemaporofita vanodaro tinoti kuvarwere kurumidzai kumhan’ara vanhu ivava vasungwe. Uku kuwedzera chirwere kumunhu pane kumurapa,” vanodaro VaKandiyero.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association vachiti n’anga kana muporofita anoita izvi vari kupara mhosva.

“Ngatiende kun’anga kana maporofita akanyoreswa nemasangano anozivikanwa. Mukaona mave kuda kuitiswa zvinhu zvisizvo zivisai mapurisa vanhu ava vasungwe,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Kuchiti Sekuru Bonface Katerere vanoti kune machiremba vanotsaudzira mubasa ravo.

“Chokwadi here kuti munhu idya tsvina yako kuti upore? Hutsinye uhwu, machiremba ngatirapei nenzira kwadzo,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>