Uncategorized

Imba hutu neroja

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vanova mukomana nemunin’ina uye vari nherera vemuHarare vave kugara musango zvichitevera kutorerwa kwavanoti vakaitwa imba yevabereki vavo iri kuMbare nemaroja.

Zvisinei, maroja aya ari kutsika madziro vachiti imba iyi yava yavo zvekuti ndivo vave kutozivikanwa kukanzuru.

Zuzeyo Arota (30) nemunin’ina wake Tapiwa Arota (19) — avo vaigara panhamba 19 mumugwagwa waHarare, kuma’Joburg Lines —vave kudemba kufa kwevabereki vavo sezvo vave kugara musango vachiti vari kudzingwa pamba pavo nemaroja akasiiwa aripo nevabereki.

“Ini nemunin’ina wangu hatisisina pekugara mushure mekudzingwa pamba patakasiirwa nevabereki vedu nemaroja. Vanhu ava vatishaisa mufaro, maroja akasiiwa nababa naamai vedu avowo vakanga vasiirwa imba iyi nevabereki vavo vakafawo kare,” anodaro Zuzeyo.

Vaviri ava vanoti vari kushungurudzwa nemhuri yekwaZhuwawo Mupaiki Mushoro iyo yavanoti yakasiiwa ichiroja pamba apa asi zvino vave kuti imba iyi ndeyavo.

Zvisinei, vemhuri yekwaMushoro vari kukakawo nharo vachiti imba iyi ndeyavo vachiti vakaitengeserwa nekanzuru yeHarare mushure mekunge vekwaArota vatadza kubhadhara mari yaidiwa.

Zuzeyo anotiwo pakutanga, imba iyi yaive yasekuru naambuya vake — avo vakazoisiira vabereki vake.

“Imba iyi yaiva yasekuru vedu VaSumbureru Kokoto Arota naambuya vedu vainzi Erika Rwodzi avo vose vakashaika. Pavakafa, vakaisiira mwana wavo Big Nyamazi Arota vanova baba vedu avo vakazoshaikawo uye vaiva nemudzimai wavo Ruth John,” anodaro Zuzeyo.  Anoti baba vake vakaberekwa vachingova voga mumba mavo.

“Pakafa baba naamai vedu, vakandisiya ini ndiri Fomu 2 uyu mukomana mudiki ari kumaGrade 1 chaiko. Takaramba tichigara pamba apa tichienda kuchikoro apo ndaibvisirwa mari nedzimwe hama dzababa kusvikira ndapedza Fomu 4. Uyu munin’ina wangu haana kuzokwanisa kuenderera mberi nechikoro ndokugumira kupuraimari nekuda kwekushairwa mari,” anodaro.

Zuzeyo anoti vakaramba vachigara pamba apa apo VaMushoro nemhuri yavo vaishandisa dzimba mbiri iye nemunin’ina wake vachigara muimba imwe chete. “Mhuri iyi yaitora mari yavo yekubvisa rendi vachinobhadhara kukanzuru kumahofisi ekuRememberance. Pose apa vaiti vaizobva pamba pedu kana isu taroora asi havana kuita sekudaro kunze kwekutotidzinga. Ini ndakaroora uye ndine vana vaviri,” anodaro Zuzeyo.

Anoti vekwaMushoro vaiva masahwira kumhuri yekwaArota sezvo vose vachibva kuMozambique.

“Sekuru vangu ndivo vakatora mhuri iyi hameno pakati peguta reHarare uko baba vacho vaishanda asi ndokuzoburitswa basa. Vakanzi vazogara pano vachiroja. Zvino nhasi vave kutipandukira isu vana vepano. Ndazozviona kuti kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.”

Zuzeyo anoti iye nemunin’ina wake vakabva pamba vachinotsvaga basa apo vakazodzoka vachisvikoudzwa nemaroja aya kuti hapasisina pekugara.

“Ini ndakazotorwa kubasa kwaishanda sekuru vangu nemurungu wavo uyo anoziva nyaya yekuti tave kutorerwa imba yedu nemaroja,” anodaro.

Maroja aya anonzi akatovaka dzimwe dzimba dzemabhoisikai kumashure kwemba iyi uko vakaisawo maroja avo.

Abraham Chimweta (38), uyo anova sahwira waZuzeyo uye akambomuchengeta kumba kwake, anoti ari kurwadziwa nenyaya iyi.

“Nyaya iyi takaisvitsa kwaDEO wekuRememberance tikanoona kuti zita riri paimba iyi nderasekuru vemukomana uyu, VaSumbureru Kokoto Arota, kwete revanhu ava,” anodaro Chimweta.

Mudzimai waVaMushoro, Mai Lizzy Maunze, vanoti imba iyi ndeyavo iyo yavakapihwa nekanzuru apo mhuri yekwaArota yakakundikana kubhadhara rendi. “Imba iyi ndeyedu, avo zvavanotaura hamheno, bvunzai baba ndivo vanoziva zvizere,” vanodaro.

Linda Muzanga (25) anova muroora wekwaMushoro anotsinhira nyaya iyi achiti akangoroorwa mhuri yatezvara vake ichigara pamba apa vachinzi vakatengeserwa nevekwaArota.

“Imba iyi inonzi yava yedu kwete yevanhu ava. Kana iri yavo ngavadzoke pano tione, vanosungwa,” anodaro.

VaBenard Mushoro vakazoridzira nhare Kwayedza vachiti imba iri pamakakatanwa iyi ndeyavo.

“Vakomana ava havasi kuziva zvavari, imba iyi ndeyedu takaitenga plus ndisu takazosara tichivaendesa kuchikoro nemari yedu nekubhadhara rendi kukanzuru vabereki vavo vafa,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vanoda nguva yekuti vaongorore mamiriro akaita nyaya yemba iyi.

“Makakatanwa edzimba akawanda muno, regai tigonyatsoongorora nyaya iyi kuti yakamira sei,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links