Uncategorized

Imba isingadi roja, inoririma moto

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Imba isingadi roja,  inoririma moto

Kwayedza

VAGARI vekuRuvimbo Park, kuMarondera, vanoti vari kushamiswa nemoto unongotanga kubvira woga pane imwe imba uye panguva dzehusiku pamba apa panodashurwa kurohwa vanhu, magonhi achiroverwa nezvinhu zvisingaonekwe.

Mune imwe yemakamuri epamba apa munonzi mune mugoti, uyo unombosanduka kuita miviri, wakasungirirwa pamapuranga edenga reimba iyi nechemukati. Mugoti uyu unofungirwa kuti wakasiiwa nevaridzi vemba uye maroja ose anouya pamba apa anogara kana kutama uchingoripo.

Zvimwe zvezvinhu zvinonzi zvakatsva nemoto usinganzwisisike.

Zvimwe zvezvinhu zvinonzi zvakatsva nemoto usinganzwisisike.

Mashiripiti aya anonzi ari kuitika panhamba 1869 Mutiti Road kuRuvimbo Park, apo moto uyu nguva yadarika wakaita mazuva matatu akatevedzana uchionesa maroja chitsvuku.

Pari zvino imba iyi yangoshama nekuti maroja ose aigaramo akatiza ndokusara vari kukamba kadiki (cottage) uko kuri kugarwa nemumwe mudzimai.

Muridzi chaiye wemba iyi anonzi akafa uye aive nemadzimai maviri ayo anonzi anorwisana kutora mari yerendi kumaroja.

Kune mamwewo mashoko anoti mari yerendi yaisitorwa nemukadzi mudiki sezvo vahosi vachinzi vari kuSouth Africa.

Vamwewo vanoti aiva vahosi kumuridzi wemba iyi haasisiko, naizvozvo ndiye ari kupfuka kuitira kuti mukadzi mudiki asatore mari yerendi.

Precious Gunyere, uyo ari kugara muimba yekuseri yepamba apa, akatsinhira nyaya iyi.

“Pamba pano ndakasvika paine mukadzi aizviti ndiye muridzi wemba, uyo akanga ari mukadzi mudiki asi mukuru wacho handina kumbobvira ndamuona nekuti muridzi wemba chaiye anonzi akashaika.

‘‘Chakaitika ndichiona ndechekuti musikana anova mwana wemukadzi mukuru akazouya achinetsana namainini ava achiti ndiye anofanira kutora mari yemba sezvo imba yakanga yavakwa naamai vake vachiri vose nababa vake.

“Pakutsva kwezvinhu, zvakangotanga musi weChitatu svondo rapera pamberi, ndipo pandakangonzwa vanhu vaigara mumba umu vachiti moto wakangotanga kupisa bhegi rakanga rakarembedzwa kumadziro vasina kuona kuti waibva kupi,” akadaro.

Gunyere anoti moto uyu waiva nesimba rekunge waiswa parafini kana peturu.

“Chaishamisa pamoto uyu ndechekuti waiita zvekubvira uchivhundukira kunge zvinoita moto wadirwa parafini kana peturu. Chimwe ndechekuti waiti ukadirwa mvura waisadzima.

“Wakapisa keteni remumba, uchipisa chipenga chemukati asi chekunze wakanga usingapisi, waiita kusarudza kupisa paunoda. Zvinhu zvose zvaipiswa ndezvemaroja aivapo.

“Wava musi weChina, moto uyu pawakatanga takaedza kuudzimura asi hapana akaukwanisa, waisadzimika chero ukadirwa mvura yakaita sei,” akadaro.

Anoti vakambofungira kuti moto uyu waikonzerwa nekusafamba

zvakanaka kwemagetsi asi kwakanga kusina magetsi musi wacho. “Ukatarisa mumba macho pari zvino hapana kana chiutsi chaunoona chinoratidza kuti makatsva. Dzimwe nguva waigona kungodzima woga. Basa guru rakazovepo chava Chishanu apo moto wakaramba uchingobvira vanhu vakasvika pakuburitsa panze zvinhu zvakanga zvasara zvisina kutsva izvo zvakazoita kuti vasvike pakutsvaga mumwe muporofita. Muporofita uyu paakauya akati pane mweya wemunhu uri kutenderera pamba apa ari kuti haabvi pamba pake chero akadzingwa,” akadaro Gunyere.

Anoti muporofita uyu akati zvakare muridzi wemba iyi achauya kuzogarapo asi haana kuda kudura kuti ndiani.

“Muporofita uyu akazongotiwo ndazvitadza, ndokubva angoenda uye maroja akanga achishandisa imba iyi akatorara panze musi uyu.”

Gunyere anoti moto uyu usati watanga, pamba apa paingoitika mashiripiti asinganzwisisike.

“Zvemoto zvisati zvaitika mukutanga kwegore rino, pane mwana wevamwe vairoja pamba ipapa akangofuma akafa zvisina tsarukano vanhu vakatanga kuramwirana mutumbi wake.

“Chakatishamisa ndechekuti mwana uyu akanga ari wemunhu aimbotora mari dzemaroja pamba apa. Chimwe chaiitika ndechekuti isu kucottage kwatinogara taingonzwa kugogodzwa padhoo asi munhu wacho tisingamuone.

“Izvi zvaiwanzoitika manheru, dzimwe nguva chero masikati. Mashiripiti ose aya aingoitika asi taishaya kuti toona ani nekuti pamba pacho hapana aiuya kuti atore mari,” akadaro Gunyere.

Vavakidzani vepamba pemoto wemasaramusi apa vanoti mashiripiti mazhinji anoitika vachiona.

VaCloudy Makan’a, avo vanogara pedyo nepamba apa, vanoti havana neremuromo.

“Takashamisika apo kamwana kaigara pamba apa, ako kakange kabva kudyara chibage mangwana acho, kakangonzi kafuma kakafa pasina kana kurwara. Izvi zvakaita kuti vanhu vanetsane zvisingaiti vakasvika pakuramwirana chitunha chemwana iyeye vachipumhana huroyi,” vakadaro.

VaMakan’a vanoti pakazotanga moto wemashiripiti uyu hazvina kuvashamisa nekuti pamba apa paiitika zvakare maminimini akaita sekurohwa kwemadhoo panguva yehusiku nezvinhu zvisingaonekwe.

“Panoita sepane mweya unomuka, usingadi kuti pagare munhu kana kuti pane munhu ari kubata-bata kuti pasagarwe. Mukadzi mukuru ndiye akatanga kuvakisa imba iyi nemurume wake mukadzi mudiki ndokuzouya. Dambudziko ravepo nderekuti hatichazivi kuti mukadzi uyu achiri mupenyu here kana kuti kwete,” vakadaro VaMakan’a. Mumwe wevakambogara pamba apa, Sophia Chitukuta, anoti mukadzi mudiki ndiye aitora mari yerendi asi akanga asingatsikipo sezvo aigara achinetsana nemwanasikana wemukadzi mukuru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>