Imbodya sadza nehowa

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

ZVIRIMUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
USAVI hwehowa hunonaka kunge nyama ndokunge hukabikwa nemazvo uye hune kudya kwemapuroteni uko kunodiwa nemuviri.

Svondo rino Melania Munatsi wekuChiredzi anotsanangudza mamwe mabikirwo ehowa.

Zvinodiwa:

Howa hwemhando yaunoda, chikari, poto kana pani, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto rehowa (mushroom soup) negarlic.

Mabikiro:

Geza howa huchene. Isa muchikari, woisa makomichi maviri emvura.

Siya hukwate kusvika hwaibva. Isa mafuta wokanga.

Chekerera hanyanisi, matomatisi negarlic.

Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

Kana zvatsvukirira, chiisa godzamuto rehowa kuti usare uine muto wakakora.

Wozodii?

Chibura unakirwe nemhuri! Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asi, tapota musatenge howa hwemumikoto kana hunotengeswa mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa makorwa mukapedza mhuri. Tengai muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>