‘Imhosva huru kusadhibhisa mombe’

07 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
‘Imhosva huru kusadhibhisa mombe’ Mombe dzichidhibha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE inoyambira varimi kuti vadhibhise mombe dzavo senzira yekudzivirira zvirwere zvezvishambwe zvakadai seJanuary Disease uye zvemahwanda, zvikuru sei munguva ino yekunaya kwemvura apo zvirwere izvi zvinowanda.

Yambiro iyi yakapihwa nevakafanobata chigaro chadeputy director wechikamu cheVeterinary Field Services kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa — Dr Reverend Spargo — vachiti imhosva huru kana varimi vakasadhibhisa zvipfuyo zvavo.

“Kudhibhisa mombe kunofanira kudzokororwa kana mombe dzichinge dzanaiwa mukati meamawa 24 ekudhibhiswa sezvo mushonga wese unenge watogezwa nemvura. Zvishambwe zvinofanira kucherechedzwa mumazuva maviri kana matatu mushure mekudhibhisa  mombe dzichiiswa mishonga yetick grease panzvimbo dzinohwanda zvishambwe dzakadai sepasi pedumbu.

“Chikamu chedu chinoona nezvemhuka chakadzika mutemo weCattle Cleansing Regulations of 1993 unosimbaradza nyaya dzekudhibhisa mombe nokudaro kuregedza kudhibhisa mombe imhosva huru inotoendesa murimi kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Dr Spargo vanoti dambudziko reJanuary Disease rakakura zvikuru munyika izvo zvakaona mombe dzinosvika 500 000 dzichifa nekuda kwechirwere ichi mugore ra2017 nokudaro donzvo rekudhibhisa mombe rinofanira kusimbaradzwa.

“Varimi vanofanira kuve nemagwaro (permits) kana  vachida kufambisa zvipfuyo zvavo kubva pane imwe nzvimbo kuenda kune imwe.  Zvekare tinozivisa varimi kuti kune zvimwe zvirwere zvakawanda zviri kubata zvipfuyo, zvimwe zvinobva muvhu nezvagara zviriko saka zvakakosha kuti zvipfuyo zvibaiwe nhomba dzekudzivirira zvirwere uye mishonga yese inge ichitengwa muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo,” vanodaro.

Zvimwe zvirwere zvemombe zvinongonyuka zvinosanganisira kuzvimba mitezo yemuviri (lumpy skin) nechirwere chinowanda munguva yekunaya kwemvura chichikonzerwa nekurumwa netwupukanaka kana nhunzi (three day stiff sickness).

Nerimwewo divi, zvirwere zvinobva muivhu zvinosanganisira tungundu.

Dr Spargo vanoti vanogamuchira nemufaro kunaya kuri kuita mvura kumativi mana enyika sezvo izvi zviri kuita kuti mafuro ezvipfuyo avandudzike.

Share This:

Sponsored Links