Imhosva kugezera murwizi kuNyanga

06 Mar, 2024 - 11:03 0 Views
Imhosva kugezera murwizi kuNyanga Violet Tabvu (wechitatu kubva kuruboshwe) ari padare raMambo Saunyama

Kwayedza

. . . Mudzimai aripiswa huku 2

. . . Apotsa abvisiswa mombe

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI wekuNyanga akaripiswa huku mbiri nemhosva yekusvibisa mvura inonwiwa neveruzhinji achinzi akagezera muviri wake murwizi izvo zvakaona achiendeswa kudare raMambo Saunyama ndokunzi akumbire ruregerero kune veruzhinji.

Mudunhu reNyanga kwaMambo Saunyama, imhosva huru kugezera murwizi nokudaro Violet Tabvu akadzidza chidzidzo ichi mushure mekunge atyora mhiko iyi.

Anonzi akaonekwa ari murwizi urwu akapfeka chipfeko chake chemukati bedzi.

Akamiswa pamberi pedare ramambo asi akarambisisa mhosva yekugezera murwizi achiti aiwacha mbatya dzake.

“Ndakanga ndiri kubva kukiriniki nemwana akanga asiri kunzwa zvakanaka. Mwana akabva arutsira kumusana kwangu saka ndakaenda kurwizi kunowacha mbatya dzaakanga arutsira.

“Ndakanga ndisiri kugeza muviri nekuti ndinoziva kuti imhosva munzvimbo muno kugezera murwizi uye ndainge ndisina kushama pandakaonekwa, ndaive ndakatopfeka chikabudura chemukati nebhodhi,” anodaro.

Zvisinei, Mambo Saunyama vakabva vatoti imhosva zvekare kuwachira marutsi murwizi rwunonwiwa mvura neveruzhinji.

“Mvura iri murwizi inoshandiswa neveruzhinji pakunwa nekubikisa saka kuwachira marutsi kwawakaita imhosva huru nekuti kuwacha ikoko kunokonzera kuti vanhu vakawanda varware nemanyoka. Kune chirwere checholera chiri kunetsa munyika saka unofanira kuzodzoka kudare zvekare tichikupa mutongo wako wakaomarara,” vanodaro.

Vakazomuripisa huku mbiri pamhosva iyi vachiti akumbire ruregerero kune veruzhinji.

“Ndinokumbira ruregerero kuti ndakawachira marutsi emwana murwizi rwamunoshandisa severuzhinji, ndinovimba kuita kwangu hakuchazokonzeri zvirwere kwamuri,” anodaro Tabvu.

Mambo Saunyama vanoti mudzimai uyu angadai akashandisa bhaketi kana bhavhu kuwacha marutsi emwana pane kusvibisa mvura yerwizi inonwiwa neveruzhinji.

Vanoti wose achawanikwa achityora mutemo wemudunhu ravo achigezera murwizi acharipiswa mombe.

Share This:

Sponsored Links