Uncategorized

Imi ‘ma1’ aya atanga . . . Vanomuka pagedhi paine hari nejira dzvuku . Uku muti wemupichisi uri kungobatira moto . Dzimba dzinongotemwa nezvisingaonekwe

10 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Imi ‘ma1’ aya atanga . . .  Vanomuka pagedhi paine hari nejira dzvuku . Uku muti wemupichisi uri kungobatira moto . Dzimba dzinongotemwa nezvisingaonekwe VaOwen Mupondiwa (kuruboshwe) naSadunhu Sanzaguru vachiona hari nemachira kusanganisira eretso zvaive zvaiswa pagedhi pemba yaMai Tambudzai Makombe kuSanzaguru kwaRusape

Kwayedza

Lovemore Kadzura ari kwaRUSAPE
AYA ndiwo anonzi “ma1” aya atanga!

Mudzimai wekwaRusape haasi kurara nekuda kwemashiripiti akawanda ari kuitika pamba pake munguva dzemanheru uye pane fungidziro huru yekuti manenji aya ane chekuita nemabasa ehuroyi.

Imba yaMai Tambudzai Makombe vekuSanzaguru inonzi iri kungotemwa nezvinhu zvisingazivikanwe kuti zviri kubva kupi mahusiku uye vhiki rapera vakamuka vachiona muti wavo mudiki wemupichisi wakaputirwa nerimi remoto.
Panze pegedhi repamba pavo pakanga paine zvinhu zvinosanganisira hari, micheka yeretso, mucheka muchena nenyanga yemombe.

Mumwe anoroja pamba apa, VaOwen Mupondiwa, vanoti pane imwe nguva pakamboita ruzha rwaidzivirira nzeve vakaona muti wemupichisi uchitsva nerimi remoto mubindu.

“Ndakatanga kugara pano mwedzi miviri yapera seroja. Ndiko kekutanga kuona zvakadai. Ndakamuka kuma1 dzekunze kwoedza kuti nditarise foni yangu ndipo pandakanzwa ruzha rwakanyanya panze.

“Mumaminitsi mashoma, Mai Makombe vakandidaidza vachiti pane moto panze.

“Takadira mabhaketi maviri emvura pamoto uyu wakanga wavharira kamupichisi kadiki aka. Moto uyu wanga wakakura zvisingaite asi takashamisika kuti wakangopisa mashizha mashoma chete.

“Kamucheka kadiki kachena kakadonha kubva mumuti uyu. Pagedhi pakanga paine hari nemucheka weretso.
“Takapinda mukati ndokurara, asi takaona zvimwe zvishamiso mangwanani acho tamuka. Takaona kamucheka kachena nenyanga yemombe zvakakandwa pedyo nechirugwi chehuku,” vanodaro.

Sadunhu Sanzaguru, VaStephen Kamangira, vanoti zviri kuitika pamba paMai Makomba zvinonetsa kunzwisisa.
Vanoti vhiki rapera vakavazivisa kuti vaone Mambo Makoni kudare kwavo kuti vabatsirwe kugadzirisa matambudziko avo.
“Takagamuchira mashoko emashiripiti ari kuitika pamba pavo. Pari kuitika ruzha rwusinganzwisisiki husiku.

“Pamwe pacho panokandwa matombo asingazivikanwe kwaari kubva pamusoro pedzimba dzavo, apa tave kunzwa nyaya yemoto usinganzwisisike nezvimwe zvinoshandiswa nevanobata-bata zviri kusiiwa pamba pavo!” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakati kuna Mai Makombe vaende kwaMambo Makoni sezvo kuine nyanzvi dzekugadzirisa nyaya dzakaita seiyi.”

Zvinhu zvakanga zvaiswa pamba apa zvinonzi zvakabviswa ndokupiswa nemufundisi weimwe chechi yemunzvimbo iyi.
Kwayedza yakaedza kutaura naMai Makombe parunhare asi havana kubatika sezvo vachinzi vari mubishi kutsvaga rubatsiro nekuda kwemashiripiti ari kuitika pamba pavo aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>