‘Ipai mombe mvura, chikafu’

10 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
‘Ipai mombe mvura, chikafu’ Mombe yakaondoroka nekuda kwekushaya chikafu nemvura zvinokwanirana kudunhu reMatabeleland South

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, kuburikidza nechikamu cheDepartment of Veterinary Services (DVS), iri kukurudzira varimi vemombe kuti vadzitsvagire chikafu chekututsira uye kudzipa mvura yakakwana munguva ino apo nyika yakatarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zviri kukonzera kupisa kwakanyanya uye nekuti dzimwe nzizi nemadhamu zvisare zvatarisana nekupwa.

Dr Josphat Nyika, avo vanove chief director kuchikamu ichi uye vave kuenda pamudyandigere, vanoti Hurumende iri kusimbaradza zvirongwa zvekusimudzira danga renyika.

“Hurumende, kuburikidza nebazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa iri kuita mabasa makukutu mukurwisa nyaya dzekurasikirwa memombe nekuda kwenzara uye zvirwere.

Tinotenda zvikuru kuti kune vatsigiri vari kubatsira nekuendesa chikafu chemombe (hay bales) kunzvimbo dziri kurasikirwa nemombe nekuda kwenzara. Dzimwe mombe dziri kuny’ura mumadhaka apo dzinenge dzichitsvaga mvura dzopedzisira dzafa.

“Saka tinokurudzira varimi kuti vatsvage nzira dzekuunzira mombe mvura pedyo nekumatanga kuti tideredze kurasikirwa uku nekuti kana dzichinge dzany’ura, kunyangwe mukabudirira kudzidhonza, hadzizokwanisi kumuka chinenge chasara kutodzipedzisa mowana nyama nekuti mombe inorarama zvakanyanya nemvura kudarika chikafu,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti Hurumende iri kutora zvekare matanho ekuchera zvibhorani nekuwanisa chikafu kuzvipfuyo senzira yekurwisa dambudziko iri.

Dr Josphat Nyika

Mumwedzi mitatu yadarika, mombe dzinodarika 3 000 dzakafa nekuda kwekushomeka kwemvura uye mafuro munzvimbo dzakatsaukana munyika.

Kumaruwa mazhinji kune zvibhorani asi zvizhinji zvacho zvakafa uye zviri kugadziriswa.

Pari zvino muZimbabwe mune mombe dzinodarika 5 miriyoni uye Hurumende yeSecond Republic ine hurongwa hwekuti danga renyika iri rikure kusvika pa11 miriyoni mugore ra2030.

“Nzvimbo dziri kunyanya kushungurudzwa nedambudziko rekufa kwemombe dzinosanganisira Masvingo neMatabeleland North neSouth. Asi tinofara kuti Hurumende nevamwe vatsigiri vari kuunganidza chikafu chemombe icho vari kuendesa kunzvimbo idzi. Kushaikwa kwemafuro uku kwava kuita kuti zvipfuyo zvipedzisire zvava kudya mimwe miti ine uturu dzorasikirwa zvekare neupenyu,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze apo Zimbabwe iri kutarisana nekusanaya zvakanaka kwemvura, varimi vanofanira kutosunga dzisimbe mukuona kuti zvipfuyo zvavo zvachengetedzwa uye nekudzivirirawo zvirwere zvezvishambwe seJanuary Disease kuburikidza nekushandisa tick grease nekudzidhibhisa nguva nenguva.

Mukati memwedzi mitatu, kuBulilima District mudunhu reMatabeleland South Province, varimi vakarasikirwa nemombe 1 640 kureva kuti nzvimbo iyi ndiyo iri pamberi uye dambudziko guru kushaikwa kwemvura sezvo madhamu mazhinji akatooma.

Senzira yekutsigira budiriro munyaya dzezvipfuyo pasi pechirongwa cheNational Development Stategy 1 (NDS1), Hurumende ine zvirongwa zvekusimudzirwa kwemafuro nenzira yemadiridziro nekuvakwa kwemadhamu.

Chirongwa chePresidential Blitz Tick Grease Scheme chiri kubudirira kuzadzikisa zvinangwa zvacho zvekubatsira varimi vanodarika 1 miriyoni apo murimi mumwe nemumwe ari kuwaniswa 1kg yegaba retick grease mukurwisa chirwere cheJD nezvimwe zvinokonzerwa nezvishambwe.

Chirongwa ichi chakaparuwa munaMbudzi 2020 pasi pehurongwa hweLivestock Growth Plan.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>