Isu tadzivirirwa 100pc –  PSL

29 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Isu tadzivirirwa  100pc –  PSL Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti riri kufara zvikuru kuti chirongwa chekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 chiri kugamuchirwa nevatambi nezvikwata zviri pasi payo izvo zvaona vose vabaiwa vachisvika chikamu che99.9 percent.

Mukushi wemashoko wePSL – Kudzai Bare – anoti vatambi, varairidzi nehutungamiri hwezvikwata zvose zvinokwikwidza muligi iri vakabaiwa majekiseni eCovid-19 izvo zvinove zvimwe zvezvikonzero zvichaita kuti mutambo uyu utambwe vanhu vakasununguka.

Anoti mutambo uyu usati wadzoka, vakanyorerwa nesangano reSports and Recreation Commission (SRC) kuti vatambi vose nezvikwata zvavo, kusanganisira hutungamiri vabaiwe nhomba kuitira kuti mutambo uyu ugodzoka uye ugotambwa vanhu vakachengetedzeka.

“Tiri kugutsikana kuti vatambi nevarairidzi vabaiwa nhomba kusvika pari zvino vanosvika chikamu che99.9 percent. Zvinofadza nekuti vanhu vakaterera, vakatevedzera matanho anodiwa kuti mutambo udzoke ugofamba zvakanaka.

“Kubaiwa majekiseni nekugara vanhu vachivhenekwa Covid-19 mamwe ematanho anotarisirwa kutevedzerwa izvo zvatakapihwa neSRC, saka zvikwata zvakatevedzera zvikabaisa vatambi vazvo nehutungamiri hwacho,” anodaro.

Bare anoti sePSL, vari kushambadza kuvatsigiri venhabvu kuti vaendewo kunobaiwa kuitira kuti zvigobatsira nguva inotevera kana votenderwa kuzonoona zvikwata zvavo zvichitamba.

“Tiri kuvakurudzira tichishandisa nzira dzakasiyana dzinosanganisira dandemutande kuparidza shoko rekuti vanobaiwewo nhomba nekuti tinoda kuti vazouya kuzotsigira zvikwata zvavo vakasununguka. Kana vakabaiwa, zvinobatsira kuti vange vakachengetedzeka nekuti hatidi kuti nhabvu izowedzera pakutapurirana denda iri,” anodaro Bare.

Zvichakadaro, Bare anoti PSL ichazivisa svondo rinotevera kuti mitambo yemuno inogona kuenderera mberi here kana kuti ichambomiswa sezvo pachange pane mutambo wenyika wekurwira kuenda kuQatar World Cup.

MaWarriors, ayo ave kurairidzwa naNorman Mapeza, achasangana neGhana mumitambo miviri yakatevedzana yekuenda kuWorld Cup.

Mitambo yemuGroup G iyi iriko nemusi wa9 na12 Gumiguru asi hapasati pajeka kuti mitambo yeChibuku Super Cup ichambomiswa here kana kuti kwete kuitira kuti Mapeza agowaniswa nguva yekushanda nemaWarriors.

Mitambo yeChibuku Super Cup neChitatu svondo rino mushure mekumbomiswa kwenguva yakareba nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tiri panyaya iyoyo, tinoziva kuti kune mutambo mukuru uchauya saka tichazozivisa svondo rinotevera kuti tichazvifambisa sei. Iye zvino tiri kungofunga nezvemitambo iriko svondo rino chete,” anodaro Bare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>