Japan chidzidzo — Makusha

05 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Japan chidzidzo — Makusha

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wekumhanya — Ngoni Makusha —inoti yakadzidza zvakawanda kumakwikwi emaOlympics ayo pari zvino ari kuitirwa kuJapan uye yave kushanda nesimba kuti igokwanisa kudzokera zvekare kumitambo iyi mumakore mana anotevera.

Makusha mumwe wevatambi vashanu vange vachimirira nyika kumitambo iyi.

Nemusi weMugovera akakwikwidza mumijaho miviri apo wekutanga wakaita kuti azopinda mumujaho mukuru umo akazopedza ari pechinomwe ndokubva aburitswa mumutambo uyu.

Achitaura ari kuJapan achigadzirira kudzoka kumusha, Makusha anoti zvinhu zvinofadza zvikuru kumirira nyika kumutambo mukuru wakaita semaOlympics uye ave kutotanga kugadzirira kuzoenda kunokwikwidza zvakare kune mimwe inotevera.

“Ndiri kunzwa kufara kuti ndakazadzikisa chishuwo changu chekukwikwidza kumaOlympics. Ndakadzidza zvakawanda zvandichagara nazvo uye iye zvino ndave kutotanga gadziriro dzangu dzekuti ndizodzokera kune mamwe maOlympics anotevera. Gore rinotevera, ndinoda kunokwikwidza kumaWorld Championships,” anodaro Makusha.

Kunyangwe hake ari kudzoka kumusha asina menduru yaakabata, Makusha anoti haasi kutarisira izvozvo nekuti chikuru kwaari kwaive kuenda kunokwikwidza kumutambo uyu achidzingirirana nedzimwe shasha dzepasi rese.

Anoti rutsigiro rwaange achiwana rwuri kumusimudzira zvekuti acharamba achishanda nesimba.
“Rutsigiro rwandange ndichipihwa kubva kuvanhu vakawanda rwunosimudzira naizvozvo ini ndicharamba ndichishanda nesimba kuitira kuti mune remangwana ndigounza menduru.
“Chikuru chandaitarisira pandakaenda kumutambo uyu kusvika ndokwikwidzawo zita rangu rozivikanwa izvo ndakakwanisa kuita.

Kukwikwidza kumutambo uyu kwakanakisa chose nekuti unoramba uchidzokera, iye zvino ndave kushanda nesimba kuitira kuti ndigoramba ndichidzokera kunokwikwidza kumutambo uyu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>