Jekiseni ratipa tariro – ZNCC

22 Feb, 2021 - 13:02 0 Views
Jekiseni ratipa  tariro – ZNCC Dr Manzungu

Kwayedza

Ishemunyoro Chingwere

VEMABHIZIMISI vari kurumbidza Hurumende nechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19, icho chakatanga nemusi weChina muguta reHarare, vachiti chinopa tariro huru kumakambani akawanda ane mabasa akadzoserwa kumashure nekuuya kwedenda iri.

Mamwe makambani haakwanise kutenga mushonga wekubaya majekiseni uyu nekudaro ari kutarisira kuti chirongwa ichi chichasvikawo kuvashandi vavo.

Majekiseni aya ari kubaiwa pachena kuvanhu vanoda.

Mabasa emaindasitiri akasiyana nemamwe makambani adzikira zvakanyanya kubva munaKurume wegore rapera apo pakatanga chirongwa chekurwisa Covid-19 mono.

Hurumende iri kurumbidzwa nematanho airi kutora mukuedza kumisa kupararira kwedenda iri izvo zvaona Zimbabwe ichive imwe yenyika shoma dzemuAfrica dzakatanga chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira denda iri zvichitevera kusvika kwakaita majekiseni 200 000 eSinopharm vaccine ayo akapihwa nyika ino neChina.

Muhurukuro, mukuru wesangano rinomirira vemabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC), Dr Tinashe Manzungu, vanorumbidza Hurumende zvichitevera kutanga kwayakaita chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Vanoti vemabhizimisi vari kuunganidza mari yekutenga mumwe mushonga wekudzivirira chirwere ichi nechinangwa chekubatsirana neHurumende.

“Hapana kana kupokana kuti mabhizimisi akanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro Dr Manzungu.

“Sainzi, idzo dzatinofanirwa kuvimba nadzo kana takatarisana nenjodzi dzakadai, dzinotiudza kuti mushonga wekudzivirira ndiyo tariro huru pasi rose pakurwisa Covid-19,” vanodaro Dr Manzungu.

Vanoenderera mberi: “Saka kuuya kwemushonga uyu muZimbabwe kunoita kuti tikwanise kutura mafemo makuru uye sevane mabhizimisi, tine tarisiro yekuti zvichitevera kutanga kubaiwa kwevanhu majekiseni, zvinhu zvinokwanisa kudzikama.”

Dr Manzungu vanotenda Hurumende nebasa guru rairi kuita mukurwisa kupararira kweCovid-19.

“Tinotenda Hurumende nekuratidza gwara rinofanirwa kuteverwa uye tariro yedu ndeyekuti chirongwa ichi chichafambiswa nekukasika kuitira kuti isu vemaindasitiri timutsiridze mabasa edu.

“Isu sevemabhizimisi, tiri mushishi yekuona kuti tatenga mushonga wekudzivirira chirwere ichi wevashandi vedu, madzimai avo nemhuri dzavo. Tine tarisiro yekutenga majekiseni emushonga uyu anosvika 2 miriyoni,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>