‘Joshua, Wilder votyanana’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Joshua, Wilder votyanana’ Anthony Joshua

Kwayedza

EDDIE Hearn akapa chikwata chaDeontay Wilder kusvika pakupera kwevhiki rino kuti mutambi wavo agorwa naAnthony Joshua kana kuti osiyana nazvo voronga zvavo mumwe mutambo naAlexander Povetkin muna Gunyana. Hurukuro dziri kuitwa dzekuronga mutambo uyu pakati pevatambi vaviri ava – Joshua naWilder – avo vasati vambokundwa muboka reheavyweight.

Baba vaHearn, Barry, akatombosangana nevamiriri vaWilder Shelly Finkel kuNew York masvondo adarika kuti vapedzise hurukuro dzekuronga mutambo uyu waJoshua uyo ane mabhande eIBF, WBA neWBO kuti asangane naWilder uyo ane bhande reWBC.

Asi iye zvino Hearn (Jnr) anoti mukana wekuti mutambo uyu uitwe gore rino mudiki sezvo vave kutarisira kuti Joshua arwe naPovetkin muna Gunyana.

Izvi zvinoreva kuti mutambo waJoshua naWilder, uyo uchaburitsa mutambi mumwe achazobata mabhande mana makuru mutsiva, uchambomirwa kuitwa kusvika muna Kukadzi 2019.

Hearn anoti, “Baba vangu vakasangana naShelly uye vave kugara vachikurukura. Vakasangana svondo radarika musi weChishanu, uye vakatitumira mashoko padandemutande musi weMuvhuro mangwanani saka tiri kuvapindura.
“Ndinofunga kuti tichazvigadzirisa asi WBA iri kugara ichitibvunza zuva nezuva kuti tave papi uye isu tiri kugara tichiwedzera mazuva ehurukuro acho.” – Sportmail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>