Juju haishande: Muhoni

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Juju haishande: Muhoni Lazarus Muhoni

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu Lazarus Muhoni inoti inoda kuyambira vatambi venhabvu kuti mushonga kana kuti juju haishande munyaya dzemutambo uyu sezvinofungwa nevamwe. Muhoni, uyo vazhinji vanoziva ari mutambi wenhabvu, muimbi zvakare wenziyo dzechitendero sezvo anoimba muzvikwata zvinoti CCAP Voice of Mbare neCCAP Voice of Sakubva.

“Ini ndinonamata uye ndinotungamidza Mwari pane zvese zvandinoita.

“Ndinoda kupa chidzidzo ichi kune vechidiki kuti ngavatungamidze Mwari pane zvose zvavanoita, kwete kufunga zvejuju nekuti hapana zvainobatsira.

“Juju kana zvimwe hazvisizvo zvinotamba nhabvu. Mwari ndivo vanotungamira chete, kuvatambi, varairidzi kana vechidiki ngavazive Mwari kuti zvese zvavanoda zvigozadzikiswa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vanhu vazhinji pamwe havazvizive kuti ndiri muimbi wenziyo dzechitendero asi kune vanotsigira mhanzi yechitendero vanogona kunge vachiziva havo kuti ndiri muimbi muzvikwata zvinoti CCAP Voice of Mbare neCCAP Voice of Sakubva.”

Kune nyaya dzakawanda dzinombobuda dzevatambi venhabvu kana zvikwata zvinonzi zvinoshandisa juju senzira yekuti zvikunde mumitambo yazvo.

Vatambi vezvimwe zvikwata vanonzi vane katsika kuitira weti pamagedhi emunhandare uye izvi zvinonzi inenge iri mhiko yemishonga yavo yekuti vasakundwe mumutambo wavanenge vachitamba.

Pane zvimwewo zvikwata zvakare zvisingadi kupinda munhandare mazvinenge zvichida kutambira nhabvu zvichishandisa magedhi anozivikanwa ekupinda nawo nekuda kwekutya kushandisirwa juju.

Zvimwe zvikwata zvinonziwo zvisati zvatamba mitambo yazvo, zvinoenda kunobatsirwa kun’anga kana maporofita senzira yekuzvisimbisa.

Muhurukuro imwechete iyi, Muhoni anoti zvinosuwisa zvikuru kuona zvikwata zvikuru zvakadai seDynamos, CAPS UNITED neHighlanders zvichidzikira mumutambo uyu nekuda kwekushaya rutsigirwo rwakasimba munyaya dzezvemari.

Kubva kare, nhabvu yemuPremier Soccer League yaitongwa nezvikwata zvitatu izvi asi mumakore adarika, zvinhu zvasanduka sezvo zvimwe zvinosanganisira FC Platinum neNgezi Platinum zvave kutamba nhabvu inodakadza.

“Nhabvu yakushanduka manje, kare taiziva zvikwata zvitatu DeMbare, Kepe-kepe neBosso zvichitonga asi zvasiyana nekuti hazvichawane rutsigiro kubva kunharaunda dzavanobva saka zvashanduka nekuti zvimwe zvikwata kusanganisira FC Platinum zvakusimuka uye zvichikotsverwa nemakambani makuru ane mari.

“Kozoti anaNgezi Platinum vari kutamba nhabvu yakanakisa zvikuru apawo Manica Diamond yapinda, kuchanakidza chete gore rino.

“Ndiwo maonero angu, saka ibasa guru kuDynamos, CAPS UNITED neHighlanders kuti vatsvage vakotsveri vakasimba kuti varambe vari zvikwata zvikuru izvo zvinozivikanwa seBig Three munhabvu yeZimbabwe,” anodaro.

Muhoni – uyo anove mumwe wevakatambira Dynamos FC neCAPS UNITED – anoti panguva yake kuti utambire zvikwata izvi zvaitorema nekuti zvaive zvikuru.

“Hongu, zvimwe zvikwata zvine mari zvingange zvauya asi vatambi vanofanirwa kuziva kuti Dynamos neCAPS UNITED zvikwata zvikuru uye ukaona wasarudzwa kuzvitambira unenge wapihwa chiremerera chikuru chaicho,” anodaro.

Muhoni – uyo vazhinji vanoziva nezita remadunhurirwa rekuti Mali zvichitevera chibodzwa chaakanwisa icho chakaona chikwata chemaWarriors chichibudirira kuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations mugore ra2002 kuTunisia — anoti tarenda renhabvu ririko parizvino rakadzikira kana richienzaniswa neraivepo panguva yake.

“Hakusi kunyepa kuti ligi radzikira zvikuru nekuti tarenda hakusisina, isu kare taitambira kugadzira zita chete, kuti ndinonzi Lazarus Muhoni uye ndinotambira Dynamos, CAPS UNITED uye nemaWarriors enyika chete.

“Hakuna zvakawanda zvataimbowana nekuti chataida kutamba nhabvu chete.

“Kare kwaitambwa nhabvu kani, vatambi vakaita saMoses Chunga, Joel ‘Jubilee’ Shambo naMercedes ‘Rambo’ Sibanda vaive kumberi zvavo uye vaitambira kugadzira mazita avo.

“Hongu, vechidiki variko mazuva ano, hongu vari kuedza zvavo asi tarenda hapana. Vanofanirwa kushanda nesimba kwete kungotungamidza mari kumberi chete. Vanofanirwa kunge vakazvipira, tarenda riripo uye vachishanda nesimba ndokuti vasvike mberi,” anodaro.

Mazuva ano Muhoni ari kushanda kuManica Diamond uko ari mubhodhi rechikwata ichi uye achirairidza vevadiki zvakare.

Anoti ane rudo nedunhu reManicaland uko kwaanobva zvekuti ari kuedza nepaanogona kusimudzira vatambi veko kuti vagosvika kure mumutambo uyu.

Manica Diamond yakapinda muPSL kekutanga mwaka uno saka Muhoni anoti ari kuitsigira kuti itambe nhabvu yepamusoro.

Mukutamba kwese kwaakaita nhabvu, Muhoni anoti haafe akakanganwa chibodzwa chaakanwisa kuNational Sports Stadium icho chakaita kuti maWarriors aende kuAfcon yekutanga.

“Zvinhu zvandinogara nazvo kuti ndiri munhorowondo yenhabvu yemunyika yedu, kuti ndini ndakanwisa chibodzwa chakatiendesa kuAfcon yekutanga.

“Tisu takavhurira nzira kune vamwe vese vakazotevera.

“Afcon haisi dambe nekuti kunoendwa nenjanji dzezvikwata asi takawanikwa tiriko tichisangana nevamwe vatambi vakaita saSamuel Eto’o naRigobert Song vekuCameroon kozoti Didier Drobga naYaya Toure vekuIvory Coast. Zvinhu zvinofadza uye vechidiki ngavashande nesimba vagosvika padanho iroro,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>