Kamambo anotoda rubatsiro: Mpandare

03 Feb, 2022 - 12:02 0 Views
Kamambo anotoda rubatsiro: Mpandare

Kwayedza

Abel Ndooka

ANGE akabata chigaro chamaneja wechikwata chenyika chemaWarriors, Wellington Mpandare, anoti mutungamiriri weZifa, Felton Kamambo – uyo akamiswa basa neSports and Recreation Commission (SRC) – haazive zvaanoita uye anoda rubatsiro rwemachiremba.

Svondo rino, Mpandare akanyorerwa tsamba yekumiswa basa nebhodhi raKamambo izvo zvaasina kugamuchira uye zvakaita kuti anyore pa”status” yake paWhatsApp kuti Kamambo anoda kubatsirwa nanachiremba.


“Haa vanachiremba, murume uyu anoda rubatsiro,” anyora achidaro Mpandare.
Paaridzirwa nhare neKwayedza ichibvunzisisa kuti anorevei kana achiti Kamambo anoda rubatsiro, Mpandare anoti, “Hausi kunzwa kuti haasi kutaura zvine musoro. Haazive zvaanoita murume uyu, shuwa angandimisa basa iye akatomiswawo basa kare.
“Manje isu tiri maCdes hativhunduke toita yese yese, patinosangana totangira ipapo.”
Achibvunzwa zvakare kuti danho raakatora iri harizokanganise basa rake here, Mpandare anoti, “Basa ripi, handiti ndamiswa basa nemunhu asiri pabasa. Hatidzore tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso.
“Kutoratidza kuti haazive zvaanoita, anotoda rubatsiro murume uyu.”

Wellington Mpandare

Kune mamwe mavhidhiyo aKamambo ayo anomuita chiseko cheruzhinji apo anoita seanorotomoka achitaura pamusoro pemurairidzi wemaWarriors uye paanotambura kududzira mari yemamiriyoni yaipihwa zvikwata zvenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>