‘Kamambo tomutsigira’

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
‘Kamambo tomutsigira’ Felton Kamambo

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA dzakamboita mukurumbira dzichitamba nhabvu munyika muno dzinoti dziri kutsigira zvikuru kusarudzwa kwemutungamiriri mutsva wesangano reZifa, Felton Kamambo, uyo achangobva kupinda pachigaro chinopisa ichi zvichitevera kukunda kwaakaita Phillip Chiyangwa uyo aive panyanga.

Kwemakore akawanda, dzimwe shasha dzakambotamba nhabvu dzaiti sangano iri rinofanirwa kutungamirwa nemunhu akambotamba nhabvu zvinove zvakabva zvaitika rwendo rwuno.

Kamambo akambotambira chikwata cheMhangura  makore adarika.

Aimbove mubati wepagedhi weDynamos FC, Black Rhinos uye nemaWarriors, Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa, anoti ane chivimbo chikuru naKamambo nekudaro achamutsigira mubasa rake.

Anoti anoshuvira kuti Kamambo abudirire pazvirongwa zvese zvaachaita zvekusimudzira nhabvu yemuno.

David ‘Yogi’ Mandigora

“Ndizvo taichemera nguva yese kuti zviitike, zvazoitika tave kuchida kuti basa rifambe. Kamambo munhu wenhabvu uye anoziva zvinodiwa kuti nhabvu ifambe. Ini ndakatombotaura naye, anoziva zvaanoita uye ndichamutsigira mubasa rake,” anodaro Mparutsa.

Anoenderera mberi achiti, “Iye zvino ngaashande kuona kuti vechidiki – kunyanya maUnder 20 ne23 edu – vari kubikwa zvakasimba nekuti ndiwo vachamirira nyika mune ramangwana.”

Kamambo, anodaro Mparutsa, ane nhabvu pamwoyo uye anoda kuiona ichibudirira.

“Munoona kana uri mutungamiri unofanirwa kuona kuti vanhu vauri kutungamira zvichemo zvavo zvagadziriswa kwete kuvatsvinyira. Hazviite sekuti hee ndine mari imi hamuna, hazvishande munhabvu izvozvo,” anodaro.

Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa

Murairidzi wevabati vepagedhi uyo akambotamba nhabvu kuCAPS UNITED nemaWarriors, Brenna Msiska, anotiwo anogamuchira nemawoko maviri kusarudzwa kwakaitwa Kamambo achiti chikuru ndechekuti basa rifambe.

Baba Gari, sezita remadunhurirwa raMsiska, anoti iye zvino Kamambo zvaatambidzwa chimuti ngaamhanye nacho agadzirise zvinodiwa nhabvu yemuno isimukire.

“Chikuru ndechekuti zvaapinda basa ngaabate sezvariri, isu chatinoda chete kuti nhabvu yedu irambe ichisimuka ichienda kure.

“Isu tiripo kumutsigira takambotamba naye nhabvu kana achida rutsigiro rwedu tinomupa. Asi chikuru ndechekuti chimuti ndiye anacho saka ngaabate basa sebasa,” anodaro Msiska.

Brenna Msiska

Aimbove murairidzi weDynamos FC, David ‘Yogi’ Mandigora – uyo akahwina mubairo weSoccer Star of the year mugore ra1980 – anoti shasha dzakambotamba nhabvu kare dzine mufaro mukuru nekupinda panyanga kwaKamambo uye vari kumushuvira zvakanaka mubasa rake rekusimudzira nhabvu yemuno.

Anoti iye pamwe nevamwe vakazvipira kushanda naKamambo, asi hunge kana achida rubatsiro rwavo mukusimudzira mutambo uyu.

“Tine mufaro mukuru nekuti pave nemunhu wenhabvu manje panyanga. Isu tiripo uye tinoshuvira zvakanaka chete mubasa raKamambo. Isu tichamutsigira pabasa rake kuti ribudirire uye tiripo kana achida rutsigiro rwedu tisimudzire nhabvu yemuno,” anodaro Yogi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>