Uncategorized

Kambani yemuno yakapa ‘oxygen’

09 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
Kambani yemuno yakapa ‘oxygen’

Kwayedza

 Zvamaida Murwira

MIDZIYO yekuchengetera mweya wekufema (oxygen cylinders) inosvika chiuru chimwe chete yakatambidzwa kumutungamiriri wenyika President Mnangagwa svondo rapera neimwe kambani iri mubasa rezvegasi.

Izvi zviri kuitika panguva iyo Hurumende iri kusimudzira upfumi hwenyika pasi pechirongwa cheNational Development Strategy 1.

Kunyangwe zvazvo mweya wekufema unenge uri mumidziyo iyi kazhinji uchidiwa nevarwere vari panjodzi neutano hwavo, pari zvino varwere veCovid-19 vanenge vachirwarisa ndivo vari kubatsirikana zvikuru.

Kambani yeVerify Engineering, iyo inove yeHurumende, yakavhurwa gore rapera uye iri kushanda iri pasi pebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, ndiyo yakapa midziyo yeoxygen iyi kuna President Mnangagwa uye vachaipa kuzvipatara zvavanosarudza pachavo.

President Mnangagwa, avo vakavhura zviri pamutemo chikamu chekambani iyi chinogadzira oxygen nenitrogen kuFeruka, kudunhu reManicaland, munaGunyana gore rapera, vakapa midziyo iyi kubazi rezveutano nekurerwa kwevana kuitira kuti izoendeswa kumizinda yezveutano.

Vachitambira midziyo iyi, President Mnangagwa vanoti zvaitwa nekambani iyi zvinosimudzura basa riri kuitwa neHurumende rekuvandudza upfumi hwenyika.

“Ndinonzwa zvakare kuti Verify Engineering yatora danho guru rekuve nemabandiko akananga kuona kuti magasi awanikwa munyika yose apo vari muHarare, Bulawayo, Masvingo, Chiredzi, Gweru neKwekwe vatogadzirira kuti vange vachiwana oxygen,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti chipo chemidziyo iyi chauya panguva yakakodzero apo Hurumende iri kurwisa kupararira kweCovid-19.

“Chipo ichi chiri kugamuchirwa panguva iyo nyika yakatarisana nekuwanda kwevari kubatwa neCovid-19. Tine idi nematanho ari kutorwa neHurumende ekurwisa denda iri nguva nguva, zvichibatsirana nekugadzirwa kweoxygen muno, tinokwanisa kuchengetedza upenyu hwevanhu vakawanda pari zvino,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti kuvepo kwemuzinda wegasi munyika muno idanho guru.

Vanoti vanonzwa kusimudzirwa nenyaya yekuti oxygen iri kugadzirwa nekambani iyi yakaongororwa ndokupasiswa nesangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe sezvo iri yemhando yepamusoro-soro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – Professor Amon Murwira – vanoti kugadzirwa kwegasi munyika muno chiratidzo chekushandiswa zvizere kuri kuitwa neHurumende zviwanikwa zvemuZimbabwe pamwe nekusimudzira nyaya dzetsvakurudzo.

Prof Murwira, avo vakafanobata zvakare chigaro chegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanorumbidza hutungamiri hwaPresident Mnangagwa vachiti hwavandudza dzidzo yepamusoro uye nekuona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuzviitira zvinhu zvavo.

Share This:

Sponsored Links