Uncategorized

Kamwana (4) kakaita mashura

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Kamwana (4) kakaita mashura Mai Emily Chingwaru (33) vaine mwanasikana wavo, Atidaishe Chingwaru

Kwayedza

. . . kakapunyuka pakati peCyclone Idai

Kudakwashe Chidziya
“ZVAKAITA sekunge chishamiso, akanunurwa pakati-pakati pedutumupengo, iro rakamukanda kubva mumvura yaive nemafashamu. Takange tamutsvaga kwenguva inokwana awa rose tisina chokwadi chekuti akange ari pane mitumbi yehadzvadzi dzake dzakange dzafa kare.

“Hazvina kukwanisa kubvumika kumuona achibuda mukati medutumupengo, imhinduro yaMwari chete kwandiri – nzira imwe chete iyo akapindura Job kubva muchamupupuri.”

Aya mashoko anobata mwoyo anotaurwa naMai Emily Chingwaru (33) apo vanorondedzera kupona kwakaita mwanasikana wavo – Atidaishe Chingwaru (4) – mumafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai iyo yakasiya yauraya mazana evanhu, ikayeredza vamwe zvose nemhuka pamwe chete nekuparadza zvivakwa kuChimanimani nguva yadarika.

Mwana uyu anonzi akanunurwa kwapera awa rimwe chete mumafashamu ayo akaparadza nzvimbo yeNgangu Township nekumwewo.

Apo dzimba dzakange dzazara nemvura, vanhu vakatiza neupenyu hwayo, ndokuzotanga kutsvaga hama dzavo pava pashure.

Atidaishe haana kuonekwa kuti akange ari kupi panguva yakaitika nyonga-nyonga iyi asi akazoonekwa mushure meawa rimwe chete achibuda mukati medutumupengo raive nesimba zvikuru. Atidaishe anonzi aive akagara pakati-pakati pedutumupengo iri izvo zvinoshamisa.

Mwana uyu haana kana kumbokuvadzwa. “Chakave chishamiso, handina kugutsikana nezvandaiona. Takange tatsvaga Atidaishe nevamwe vana asi takatadza kuvaona kuti vaive kupi apo iye akazoonekwa ari pakati pedutu.

“Takange tamushaya pamwe chete nehanzvadzi dzake Adore (14) naAshley Chingwaru (10), avo vatakazowana vose vakafa. Hatina kumbobvira tazvifunga kuti mwana uyu ararama.

“Patakamuona ainge asingacheme, kunyangwe zvazvo airatidza kusaziva kuti chii chaizvo chaiitika apo akabuda mukati medutu iri,” vanodaro Mai Gloria Chirara, avo vakambogara nemwana uyu apo dutumupengo raive radzikama.

Kunyangwe kupona kwakaita Atidaishe mumafashamu aya kuchiita senyaya dziya dzinobuda mumafirimu, vazhinji vevagari vekwaNgandu – zvisinei nekuti vari kushamisika zvikuru – vanotsinhira nyaya iyi.

Mai Chingwaru vanoti chiitiko ichi chinoratidza simba raMwari.

“Handina kumbobvira ndafunga kuti mwana uyu mupenyu mushure mekunge ndaona kuti hanzvadzi dzake dzainge dzafa,” vanodaro.

Kunze kwekurasikirwa nevanakomana vaviri, Mai Chingwaru vakaparadzirwawo zvinhu zvavo zvinokosha zvose nemafashamu aya.

Mudzimai uyu mumwe wemhuri 12 idzo pari zvino dziri kuchengetwa pachechi yeNgangu United Methodist Church.

“Hapana chandakasara nacho, kunze kwebundu riri mumwoyo mangu. Imba yangu yakayeredzwa nemvura uye nzvimbo yandave kuti ndipo pamusha pangu iye zvino ichechi yeNgangu United Methodist Church apo ndiri kugara nemwanasikana wangu,” vanodaro Mai Chingwaru.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>