Uncategorized

Kana dai chikanhuwa sei, . . .‘chitunha hachisvipwe’

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Kana dai chikanhuwa sei, . . .‘chitunha hachisvipwe’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PATSIKA dzechivanhu, chitunha chemunhu chinonzi hachisvipwe kana kuratidza kuchisema, kunyangwe chikawora kana kuti chichinhuwa sei sezvo zvichinzi kusvipa chitunha kunokwezva munyama wakakomba.

Nekuda kuziva kuti tsika iyi inombofamba sei, Kwayedza yakaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokuita hurukuro nedzimwe nyanzvi dzechivanhu, idzo dzinoti kusvipa chitunha kunotova kuzvisikira moto mumaziso.

Vachitsanangudza tsika iyi, Sekuru Bonface Katerere, avo vanova chiremba wechivanhu kwaMashambanhaka, kuUzumba vanoti kubva pasichigare, chitunha hachisvipwe mate – hachisemwe.

“Kuona chitunha chemunhu akapondwa, kunyangwe chawora sei, chingava chehama kana mutorwa, hazvibvumidzwe kuchisvipa, kubata mhuno kana muromo seunonhuwirwa. Ukangodaro chete, mweya wemufi uyu unoteverana newe kudzimara wazobviswa kuchivanhu,” vanodaro.

Sekuru Katerere vanoenderera mberi: “Ukasvipa chitunha unogona kungoerekana wave kuita maronda pamiromo uye muromo wacho uchitsvuka kana kuita hudzi – kuye kunhuhwa kwemuviri. Kureva kuti mweya wemufi wawakasvipa ndiwo unenge wave kuteverana newe. Munhu akadai kunyange akapfapfaidza zvinonhuwirira sepefumu yakawanda sei, hakuna chinosanduka – mweya uyu unoramba uchinzwika chete.”

Vanotiwo munhu anenge asvipa chitunha anogona kupedzisira ave kusemwa neveruzhinji pasina zvikonzero zvakanyatsoti tsvikiti.

“Chokwadi kana uri mukadzi ukaita munyama wekusvipa chitunha unosvika uchirambwa nemurume kumba kana ari murume asvipa anogonawo kurambwa nemukadzi pasina chikonzero. Vanasikana vanoguma vave kushaya vakomana vanovakanda shoko rerudo ivowo vakomana vachitizwa nevasikana vakangoda kuvapfimba. Kana kupinda basa chaiko zvinonetsa nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro.

Mashoko aSekuru Katerere anotsigirwa naMbuya Marita Ried vekuChitungwiza – avo vanovazve chiremba wechivanhu – vachiti kusvipa chitunha kuzvigokera munyama mukuru.

“Unogona kuti wapedza kusvipa chitunha, wotanga kutoona iye mufi mumaziso ako, kureva kuti unenge wave kuteverwa nemunhu afa wacho,” vanodaro Mbuya Ried.

Sekuru Never Pfidze, vanova Bishop wechechi yeRujeko Apostolic Faith iri kuChitungwiza, vanotsinhira kuti chitunha hachisvipwe – kana dai zvodini.

“Vanhu vangatadze kuona zvinoyera pakunzi vasasvipe chitunha kunyange chikawora sei, asi pane zvinoitika.

“Mumwe unotadza kurara ave kungovhumuka, vamwewo vanoguma vave kunhuhwa miviri yavo sezvinoita chitunha chavakasvipa,” vanodaro Sekuru Pfidze.

Mudzimai wavo, Mbuya Sarah Sithole Pfidze (44), avo vanove n’anga, vanoti munhu akasvipa chitunha anoita munyama wakakomba zvikuru.

“Isu semachiremba echivanhu, tinoona vakawanda vave kuuya kwatiri vachiti vakasvipa chitunha vachida kubviswa mimvuri yevanhu vakafa avo vavakasvipa inenge yovatevera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links