Uncategorized

Kana uri bhara usade kuita bhasikoro

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
RIMWE zuva muvhimi akabuda mumba make achienda musango. Achingoti musango pindikiti, akabva aona gondo richibhururuka nepamusoro pake. Gondo iri rakanga rakatswinya kambeva nenzara dzaro. Kambeva kakanga kachibuda ropa uye kachiratidza kuti kakanga kangomirira kufa nekudyiwa.

Muvhimi uye akanzwira kambeva kaye tsitsi. Akabva ati, “Gondo, ndipewo kambeva ako ndigokupa nyama yechimukuyu yandiinayo.”

Gondo rakati, “Zvakanaka, ndipe chimukuyu chacho.”

Gondo rakatora nyama, rikapa muvhimi uye kambeva kaye.

Kambeva kakanga kakuvara zvakaipa. Muvhimi akaenda nako kumba. Asvika kumba, akageza maronda ekambeva kaye achibva akaisa mushonga. Apedza, akakagadzirira nzvimbo inodziya kuti chando chibude mumuviri.

Kambeva kaye kakaita mazuva kachirapwa. Muvhimi uye akatsvagira kambeva kaye nzungu, chibage nedzimwe mhodzi. Aitanga adzikanga dzonyatsonhuhwirira, obva apa kambeva kaye.

Mushure memasvondo maviri, kambeva kaye kakatanga kufara nekumhanya-mhanya mumba nekuti kakanga kapora. Kambeva kakafara zvikuru kuti kakanga kaponeswa kubva murufu, uye kuti kakanga kave nerugare rwekugara mumba kachidya mhodzi dzakakangwa.

Rimwe zuva kachitamba pachivanze, kambeva kakaona katsi ichimhanya yakananga kwakari. Nzara dzekatsi dzakanga dzakapinza zvekuti dzakarangaridza mbeva nzara dzegondo rakanga rakakuvadza. Kambeva kakaridza mhere kakamhanyira mumba. Kakaenda kumuvhimi kachidedera.

Muvhimi akati, “Ko waita sei?”

Kambeva kakati, “Ndaona mhuka inotyisa, ine mazinzara. Yanga ichida kundiuraya.”

Muvhimi akati, “Aaa ikiti.”

Mbeva ikati, “Dai ndiri kiti ndaizogara ndisingatye.”

Muvhimi akabva ati, “Paunomuka mangwana, uchange wave kiti.”

Zvechokwadi zuva rakatevera, kambeva kaye kakamuka kave kiti. Hausi mufaro iwoyo wakakave nawo. Kakatanga kutandanisa makonzo nembeva, uye kakanga kasisadye mhodzi dzakakangwa asi mukaka, hove nenyama.Rimwe zuva kambeva-kiti kaye kakaona zimbwa richimhanya rakananga kwakari. Mazizino embwa iyi akanga akapinza zvekuti akarangaridza kiti nzara dzegondo rakanga rakakuvadza paye kachiri mbeva.

Kiti yakaridza mhere ikamhanyira mumba. Yakaenda kumuvhimi ichidedera. Muvhimi akati, “Ko waita sei?”

Kakiti kakati, “Ndaona mhuka inotyisa, ine mazizino. Yanga ichida kundiuraya.”

Muvhimi akati, “Aaa imbwa.”

Kiti yakati, “Dai ndiri imbwa ndaizogara ndisingatye.”

Muvhimi akabva ati, “Paunomuka mangwana, uchange wave imbwa.”

Zvechokwadi zuva rakatevera, kiti yakamuka yave imbwa. Yakave nemufaro mukuru, ikatanga kutandanisa makonzo nembeva. Yakanga yave shamwari yemuvhimi, ichimuperekedza kunovhima.

Rimwe zuva imbwa yakapinda musango natenzi wayo. Vave mukati mesango, vakasangana neshumba ichibva yadzvova zvekuti imbwa yakamhanya ichidzokera kumba. Manheru iwayo, imbwa yakakumbira kuti ifanane neshumba.

Muvhimi akati, paunomuka mangwana, unenge wave shumba. Chokwadi chifumi chamangwana imbwa yakanga yave zishumba rinotyisa. Asi shumba yakatanga kufunga mumwoyo mayo kuti iuraye tenzi wayo nekuti ndiye akanga achiziva kuti shumba iyi yaimbove mbeva.

Tine maKristu anorwara uye vanhu vanoshaya kuti sei vachirwara ivo vakaponeswa mushure mekunge Jesu akati “kutenda kwako kwakuponesa.” Mazwi ekuti “kuponeswa” nerekuti “kuporeswa” akafanana mururimi rwechiGiriki rinonzi “Sozo.” Zvinoreva kuti kuponeswa nekuporeswa zvimwe chete.

Asi kana tichinge taponeswa nekuporeswa sembeva iri munyaya yataverenga, tinogutsikana here uye tigofara here kuti tiri mumba maMwari tichichengetwa naMwari? Mwari ngavatibatsire kuti tivimbe navo, kwete kufunga kuti kana tiri mbeva, tikave kiti tinobva tagara zvakanaka. Kutenda kwedu kunotiponesa, kunotiporesa, kunotisunungura kubva munzara dzemakondo enyika ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>