Uncategorized

Kapfupi ane zvidhoma: Marabha

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kapfupi ane zvidhoma: Marabha

Kwayedza

—‘Ndizvo zviri kundirwarisa’
—‘Inhema dzako, handiroye’

Kingstone Mapupu
VAIMBI uye vari shasha pamitambo yemusara (madhirama) — Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles Milisi “Marabha” Muparume vari kukandirana makobvu nematete. —

Achiti haasi kuita zvemusara, Marabha anonanga Kapfupi achimuti ari kumurovesa nezvidhoma.

Marabha anoti pane mweya uri kumubata apo muviri wake unosanduka kuita sewemhuka — nzara dzake nemawoko zvoreba kuita sezvegudo uye muromo uchienda parutivi.

Marabha — uyo anogara panhamba 3041 kuDomboramwari, kuEpworth – anoti akatanga kurwara apo aingovhumuka nekubatwa nemamhepo gore rapera.

Ukuwo, Kapfupi ari kurambisisa zvaari kupomerwa naMarabha achiti haana chekuita nehurwere hwake asi kuti “zvichida ropa nehuropi hwake zvakasangana paakamborohwa”.

Marabha anoti hurwere uhwu hwadzosera basa rake kumashure zvikuru.

“Kana zvauya ndinongoita dzungu ndotadza kuziva zvandiri. Mudzimai wangu nevamwe vatinogara navo ndivo vanotaura zvinoitika vachiti mweya uyu unoti, ‘Iwe Marabha tinoda nyama neropa zvako, ndini Freddy Manjalima Kapfupi handikusiye’.

“Mweya uyu unonzi unotaura kuti zvidhoma zviri kutumwa naiye mbune, mumwe wangu uyo ndaimboimba naye kare,” Marabha akaudza Kwayedza svondo rino.

Anoenderera mberi achiti: “Ini handini ndiri kutaura kuti Kapfupi ari kunditumira zvidhoma zviri kundirova. Asi mweya unondibata ndiwo uri kuti zvinhu izvi zviri kutumwa naKapfupi. Chikonzero chacho hachisi kubuda kuti ndechei,” anodaro Marabha.

Marabha anotiwo Kapfupi ane mari yake inokwana $800 iyo yaaifanirwa kumubhadhara apo vaiimba vose.

“Mumwe wangu ane chikwereti changu che$800, ndinoida. Pano ndiri kudya nhoko dzezvironda, ndakabva ndoga kubhendi rake asi nemamiriro aita zvinhu, ndinoda zvangu kudzokera tishande tose,” anodaro.

Achirambisisa nyaya iyi, Kapfupi anoti“Handina chekuita nekurwara kwaMarabha. Kana zvekuti anorwara handizvizive. Chandinoziva ndechekuti gore rakapera akatemwa nedombo mumusoro akadhakwa mubhawa akakuvara zvikuru akanogara kuchipatara. Pamwe ‘brain’ (pfungwa) dzake dzave kutenderera, dzakasangana neropa,” anodaro.

Kapfupi anoti nyaya iyi ndeye kunyepera kuti vamusvibise zita rake.

“Inyaya yekufomera iyo, ini pandiri pano ndingaite muroyi zera rangu rino? Ehe, ndiri mubhurandaya, yes ndinobva kuMalawi asi handina mushonga uye handiroye.

“Ndingada kuuraya Marabha wandakaita kuti ambonoonawo kuUK (United Kingdom) taenda kushoo? Akabva oga (kubhendi rangu) tabva kushoo kwaMutangadura uye handina mari yake ini. Vanhu vedu (vatsigiri) vanoda kundiona ndiina Marabha parutivi ichokwadi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Hamheno kuti zvidhoma izvozvi zviri kutaura zita rangu kuti ndezvani, zvichataura zvazvo muridzi wazvo. Ngavazvibvunze mushe zviri kuvanyepera, kana achida kudzoka kubhendi ngaadzoke mushe kwete kuda kunyepera zvidhoma.”

Anoti achaenda kunoona Marambha sezvo nguva yose iyi ange asingazive kuti ari kurwara.

“Ndimi matonditaurira nezvekurwara kwake, havana kumbondizivisa. Izvozvi muchibva pano, ndave kuenda kunomuona. Manje ndichingosvika vachabva vati muroyi uya auya, zvidhoma zvacho zvobva zvatanga kutaura kuti baba vedu avo.

“Asi ndinoenda chete, hamheno zvichanoitika ikoko, magona imi,” anodaro Kapfupi.

Susan Makumbirofa (27), mudzimai waMarabha, anotsinhira kuti atambura nehurwere hwemurume wake.

“Tasvitsa mwedzi miviri murume wangu achirohwa nezvinhu zvinotaura kuti zvinoda nyama yake. Zvinotaura mashoko akawanda zvichiti zvatumwa naKapfupi nemazita ehama dzake. Zvinotanga paine chinhu chinofamba chichifema paruwoko rwavo rwekurudyi,” anodaro Makumbirofa.

Anoti dzimwe nguva Marabha anochema achiti, “ndabaiwa” obva adonha ipapo, muromo uchienda parutivi. Ndipo panotaura mweya unofungidzirwa kuti zvidhoma kana zvikwambo.

“Muromo wababa vaHilda (Marabha) unoenda padama kana zvavabata, uchimonyoroka. Mweya uyu unongotanga chero nguva, uchitaura zita raKapfupi nemamwewo atisingazive. Kumaporofita nekun’anga kwatinoenda zvinonzi zvidhoma zvinoda kumuuraya,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Kwatakamboenda zvinonzi murume wangu akaroyiwa nemishonga yakatorwa kumakuva nepanzvimbo inotambirwa nezvigure.

“Zvinonzi n’anga yakaroya murume wangu inotamba zvigure inobva kuMalawi.”

Marabha anonzi akambopinda muchipatara kwemwedzi wose muna Nyamavhuvhu gore rakapera mushure mekunge arohwa nematsotsi mumusoro.

“Murume wangu akamborohwa nematsotsi akanogara muchipatara kwemasvondo matatu, apo mweya uyu wakatanga kubuda paari. Nyaya inondinetsa ndeyekuti iye Kapfupi kunyangwe takamutaurira kuti mumwe wake ari kurwara, haana kumbouya. Ane mari yababa (Marabha) yaainayo yandakamboenda ndichinoireva akati zvinhu zvaiva zvakamuomera. Izvozvi hatina chekudya, vana vedu vatatu havasi kuenda kuchikoro.”

Yoramu Imedi (32) – uyo anoita mitambo yemadhirama naMarabha uye vachigara vose – anotsinhira nezve hurwere hwemumwe wake.

“Murume uyu ari kurwara tikataurira hama dzacho hadziuye kana iye sahwira wedu Kapfupi haasi kuuya. Kapfupi ndiye ane zita riri kutaurwa nemweya uri kubuda panaMarabha,” anodaro.

Marabha pari zvino ari kushandirwa naBishop Susan Ziki Dube vechechi Holy Baptized Apolostic Church of Christ in Africa.

Kune vanoda kubatsira Marabha nemhuri yake vanogona kuvabata panhamba dzinoti 0736 169 677 kana pa0735 824 909.

Share This:

Sponsored Links