Uncategorized

Kasikai ari kutambura mupfungwa

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

“SHUNGU” naMemory Rugedhla (115-118)

ONGORORO: Enderero mberi

“Kuti dai aive iye akakasika kufa moyo wake usina kunyanya kurwadziwa kudai? Da . . .” (118)

Dzimwe dzenguva tinoona munyori achipawo pfungwa dzake dzekudzidzisa (writer speaking and didactic tone). Papeji 116 tinoona muenzaniso uyu:

“Dzimwe nguva kuchema kwakanaka nokuti kunotapudza shungu. Mota haripori kusvika rasvinwa”.

Kutambura kukuru mupfungwa kwaKasikai kunoburitswa nekushandisa mudungwe wemibvunzo sokudai: “Makanga makazvironga here Mwari kuti vanhu vakazvarirwa kutambura? Ko, zvazvinonzi rugare rwunouya mushure mekutambudzika? Inga pamakore makumi maviri nemanomwe ese aya ndanga ndichitambura wani? (117).

Tinosangana netsumo imwe chete iyo inobatsira kuti tione kuti Kasikai aive munhu asingazezi basa. Tinonzwa zvichinzi aiziva masoko evakuru ekuti, “simba mukaka rinosinira” (116) nekudaro zvaisamurwadza kushandira ruzhinji. Tinoona mukanyaya aka muchishandiswa enzaniso shoma. Kasikai akabatwa zvakanaka naamai vaya avo akadzidza kuda semubereki (116) nepamusaka perudo urwo airatidzwa nemudzimai uyu. Amai ava vaimubata nemutoo wakanaka sezvo zvichinzi vaimubata “semwana wavo” (116).

Iye nhasi vanhu vava kuona Kasikai sechinhu chinotyisa kana kuti “sechikara” (117). Pwere idzi dzainge dzichimuitawo saizvozvo dzichingomutarisawo “semunhu akakundikana muupenyu”. Enzaniso dzose idzi dzinoyanika dingindira reshungu zvobva zvazadzikiswa neyekuti mazwi akataurwa nemukoti wechirume uya zvekuti bundu rakamugara pamwoyo pake neshungu akarinzwa rave kuita “serichamutadzisa kufema” (118).

Kudimikira kushomawo, tinokuona kuchishandiswa mukanyaya aka. Ratinotanga kusangana naro rinotiratidza chinhanho chekurwadziwa chaakasvika apo vabereki vake vainge vatengeswa ndokupisirwa mumba kwavakaitwa izvo zvinodimikirwa zvichinzi akamboda kuzvishingisa asi “akaona kuti godo raive ramugara pahuro raigona kumuuraya” (116). Akaita zvinhu zvaida ushingi asi akazozviona kuti zvose izvi kwaive kufira pasina chiripo ava kudemba kuti dai zvake ainge asina kuzvipinza mukanwa mamupere kana kuti “kukanda upenyu hwake mukati meminzwa yakadaro” (117).

Rombo rakaipa kana ragara pane munhu, rinobva rauya nezvizukuru zvaro zvose rwobva rwadzika midzi kugara panewe izvo munyoro anodimikira achiti “rombo rakaipa kana rapfunya chisero pamusuwo wako” (117). Mukoti wechirume uya anotaura mazwi magaramwoyo chaiwo okuti munhu unosara wazunguzwa nawo. Tinonzwa munyori achiti “mashoko anobvarura mwoyo”(118).

“UCHANDOSHOPERA” naBarbara Makhalisa (119-121)

Nyaya yacho:

Muzukurusikana ainge awana munhurume uyo ainge ati anoda kumuroora. Amai vake vainge vaedza kumutsiura nekuita uku asi iye ainge asina kuzvibata nekuti ainge arasa tsika yaitevedzwa nevakuru vemo.

Mwanasikana ainge achivhuruvhuta, izvo mbuya vake vainge vanzwa achiti munhurume wacho havaziriwo vakasarudza, iye ndiye ainge azvisarudzira ega uye ndiye waaida, kwete ivo vabereki. Mbuya vainge vanzwa zvose izvi zvekuti vainge vazadzwa neshungu vave kuda kumubata vagomubhagura netsvimbo.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>