Uncategorized

Kiriniki itsva kuEpworth

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Kiriniki itsva kuEpworth Dr Moyo (kurudyi) vachimema kiriniki yePSZ kuEpworth.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
POPULATION Service Zimbabwe (PSZ) yakavhura kiriniki itsva yemishonga yekurera mhuri pamwe chete nekuvheneka chirwere chegomarara kuEpworth, izvo zvinotarisirwa kuderedza nyaya dzekuita pamuviri pasina kurongeka, kubviswa kwemimba nekufa kwemadzimai nevana panguva yekubara.

Kiriniki iyi yava yechigumi neimwe munyika yose.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vachitaura apo vakavhurwa kiriniki iyi zviri pamutemo, vanoti ichabatsira zvikuru mukusimudzira utano hwesikarudzi kuvagari vekuEpworth.

“Vagari venzvimbo yeEpworth vaisidhurirwa nekufamba apo vaienda kunorapwa kumakiriniki maviri ari kuChitungwiza ePSZ, kusanganisira Chitungwiza Central Hospital. Saka kuuya kwekiriniki iyi kuchaderedza mitoro kuzvipatara zvekuChitungwiza.

“Ndinofara zvikuru kuti kiriniki ino haingoita zvekuongorora duriro revarume asi inorapa zvirwere zvakasiyana sekutariswa BP, shuga, gomarara, HIV nekutarisa huremu hwevana, pakati pezvimwe uye zvose zvichiitwa pachena,” vanodaro Dr Moyo.

Vanotenda mahofisi anomirira nyika yeSweden muno nerutsigiro rwawo urwo rwakaita kuti kiriniki yemhando yepamusoro iyi ivakwe kuEpworth.

“Kuuya kwekiriniki iyi kuchasimudzira zvirongwa zveHurumende mukuunza utano muZimbabwe, zvikuru mukuwedzera nyaya dzekutorwa kwemishonga yekurera mhuri kubva pachikamu che58 percent kuenda pa68 percent mugore ra2020.

“Tinotenda zvikuru mushandirapamwe uri kuitwa nesangano reZimbabwe National Family Planning Council (ZNPFC) uye PSZ mukusimbaradza nyaya dzekurera mhuri munyika. Izvi zvinobatsira zvikuru mukuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara, nyaya dzekubviswa kwepamuviri zvisina tsarukano, kusimudzira utano hwemadzimai nekuderedza nzara nehurombo munyika,” vanodaro.

Dr Moyo vanoti vabereki vanofanirwa kuita vana vavanogona kuchengeta uye vachivaita iri sarudzo yavo, kwete zvetsaona.

VaAbebe Shibru, avo vanova Country Director wePSZ, vanoti madzimai anodarika 450 000 vakawaniswa mishonga yekurera mhuri nesangano ravo mugore ra2018.

“Mugore ra2018, madzimai anodarika 450 000 vakawaniswa mishonga yekurera mhuri nePSZ. Zvisinei, tichiri kuchema nemukaha uripo maringe nekusatorwa kwemishonga yenguva refu mukurera mhuri, kusanganisira yekuchekwa duriro kana kubviswa zvibereko (long acting reversable and permanent methods) kunova kuchiri pachikamu che11 percent. Tine shuviro yekuti pave nemhando dzakasiyana dzekurera mhuri kuitira kuti vanaamai nanababa vave nesarudzo,” vanodaro.

Muzvare Mette Suunergren, vanova Head of Development Cooperation, Swidish Embassy Charge d’ Affairs, vanoti vakazvipira kubatsira Zimbabwe munyaya dzekurera mhuri.

“Tinokoshesa utano hwemhuri uye hunotangira pakuva nemhuri yakarongeka. Kurera mhuri kunoreva kuva nehuwandu hwevana hwaunoda, hwaunogona kuriritira uye kusarudza nzira yekuti ungapatsanura sei vana vako pamakore ekuvabara. Vana havafanire kuzvarwa nenzira yetsaona nekuti tinotarisa utano hwavo kuti huumbe upenyu hwemangwana,” vanodaro.

Vanoti kiriniki yemishonga yekurera mhuri iyi ine Wi-Fi yepachena izvo zvichabatsira vechidiki muEpworth kuti vange vachishandisa masaisai mukuita tsvakurudzo maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi nekuwanawo zvinovavaraidza.

Kirinika iyi iri kutarisirwa kubatsira vanhu 20 000 maringe nenyaya dzeutano hwesikarudzi.

PSZ nevatsigiri vayo vanotarisira kutsigira zvipatara nemakiriniki 50 zvekumaruwa nenzira dzekurera mhuri idzo dzinoshanda kwenguva refu.

Kuvhurwa kwekiriniki iyi kunofambirana nezvitsidzo zvakaitwa neHurumende pamusangano mukuru wezvekurera mhuri, weLondon FP 2020 Global Summit, uyo wakaitwa mugore ra2012.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>