Uncategorized

Kodzero dzevanhukadzi mubumbiro remutemo

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Patricia Gwetsayi

MUGORE ra2013, takaenda nehuwandu hwedu kunovhotera referendum iyo yakaita kuti pave nebumbiro idzva remutemo wenyika.Bumbiro remutemo iri ndiro rekutanga kununura zvizvarwa zveZimbabwe.

Bumbiro remutemo reLancaster House Constitution raive nemikaha yakati wandei, zvikuru panyaya dzekodzero dzemadzimai.

Izvi zvinoripa musiyano nebumbiro remutemo ravepo iro rinopa mikana kumadzimai kuti kodzero dzavo dzinge dzichichengetedzwa uye kukosheswa kwenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume zvichifambirana netsika nemagariro. Zvisinei nekuti dzimwe tsika nemagariro zvinotsikirira kodzero dzemadzimai nekukonzera rusarura.

Bumbiro remutemo ndiwo mutemo wenyika mukuru zvinoreva kuti mitemo yose isingafambirane naro inenge isina kukodzera kuti inge ichishandiswa neHurumende, masangano, makambani kana vanhu vakazvimiririra.

Bumbiro remutemo rinobatsira mukufambiswa kwemimwe mitemo kwakanaka.

Somuenzaniso, murume anoroora musikana asati asvitsa makore 18 ekuberekwa vabereki vake vachitendera izvi kana kuti mwana asati abva zera achimanikidzirwa kunoshanda pasina chaanowana.

Zimbabwe inokoshesa kuenzaniswa kwemikana nekutarisa nyaya dzine chekuita nerusarura dzakadai sekuvanhukadzi, vakaremara, vechidiki uye vana.

Chikamu cheSection 17 chebumbiro remutemo renyika chinoti Hurumende inofanira kutsigira nyaya dzekuenzaniswa kwemikana, zvikuru kuti madzimai ange ari muzvirongwa zvine chekuita nematongerwe enyika, kugarisana zvakanaka nekuve nechikamu chekuita munyaya dzeupfumi hwenyika.

Hurumende yakatotora danho guru rekuona kuti madzimai awaniswa mikana munyaya dzematongerwo enyika apo yakapa zvigaro makumi matanhatu kumadzimai mudare reParamende.

Hurumende yakaumba zvakare chikamu cheGender Commssion iyo ine chinangwa chekuona kuti madzimai agadzwa zvigaro semakomishina kana kuve sachigaro nevatevedzeri vanasachigaro vemakomishini akasiyana.

Chikamu chebumbiro remutemo cheSection 56 chiri pamusoro pekodzero yekuchengetedzwa pamwe nekurwisa nyaya dzemhirizhonga unova mutemo wakakwiridzirwa kuve mumupande weConstitutional Bill of Rights.

Hurumende iri kuona kuti madzimai achengetedzwa kubva munyaya dzemhirizhonga kubudikidza nemutemo weDomestic Violence Act.

Madzimai ane kodzero zvakare yekusarudza huwandu hwevana vavanoda kuita muupenyu uye nzira dzekurera mhuri pasina kukumbira mvumo kubva kuvarume vavo kana dzimwe nhengo dzemhuri.

Kodzero dzemadzimai dziri kutariswa kunyangwe mumabasa apo madzimai ari kupihwa mikana yakangoenzana nevarume nekuwaniswawo zvigaro zvepamusoro uye nguva yekuenda kuzororo remateneti kwemwedzi mitatu vachiwaniswa mari yavo yemuhoro yakakwana.

Munhu wose ane kodzero yekuwaniswa dzidzo, kudya, mvura newanano.

Chikamu chebumbiro remutemo cheSection 75 chinoti mugari wose wemuZimbabwe ane kodzero yekuwaniswa rutsigiro rwemari yedzidzo neHurumende, kusanganisira vanhu vechikuru.

Zvinhu zvinorwadza kuti dzidzo haisi kuwaniswa kuvanhu zvakaenzana, zvikuru kuvanasikana avo vari kusiiswa chikoro panzira vachinoroodzwa.

Panyaya yekodzero yewanano, Section 78 yebumbiro remutemo inoti makore 18 ndiwo akakodzera kuti munhu ange achipinda muwanano.

Izvi zvinobatsira mukuderedza kuroodzwa kwevasati vabva zera uye imhosva huru kuroodza mwana asati abva zera.

Mutemo uyu unorambidza zvakare nyaya dzechivanhu kana kuti tsika idzo dzinodzvinyirira kodzero dzevanhu dzakadai sekuzvarira mwanasikana nekugara nhaka.

Kodzero dzekuwaniswa pekugara pakanaka, utano nedzidzo dzinocherechedzwa zvikuru munyika muno.

Chikamu chebumbiro remutemo cheSection 80(2) chinoti madzimai ane kodzero dzakangofanana nedzevarume mukuchengetwa kwevana. Madzimai anokwanisa kuve vachengeti vevana zvinova zvine misiyano nemakore adarika apo varume bedzi vaiwaniswa kodzero iyi.

Hurumende yakakumikidza dare guru reConstitutional Court uye madzimai ave nemikana yekuenda kudare iri kunoisa zvichemo zvavo maringe nemimwe mitemo inenge ichivadzvanyirira pakodzero dzavo.

Izvi zvakabuda pachena apo dare iri rakati vanasikana vane makore 18 ekuberekwa bedzi ndivo vane kodzero yekuroorwa uye izvi zvinotevera nyaya yekuroorwa kwakaitwa mamwe madzimai maviri anoti Loveness Madzuru naRuvimbo Tsopodzi vasati vasvitsa makore 18 ekuberekwa.

 

 

Vanoda kubatsirwa mune zvemutemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, Harare kana kuridza nhare pamanhamba eHotline anoti 0782 900 900 ne0776 736 873. Toll free nhamba 08080131 kana kuti padandemutande rinoti [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>