‘Koshesai vanasikana’

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Koshesai vanasikana’ Dr Coventry

Kwayedza

Daphne Machiri
GURUKOTA revechidiki, mitambo nezvekuvaraidza, Dr Kirsty Coventry, vanoti zvakakosha kupa vanasikana mikana yakaenzana nevanakomana mune zvakasiyana kuti vave neremangwana rakanaka. Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera pazuva rekupemberera kukosha kwevanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day.

“Vanasikana ngavachengetedzwe, vanofanirwa kupihwa kodzero yekuenda kuchikoro pasina rusarura pamwe nekuti vawane zvekushandisa panguva yavo yekutevera sevanhukadzi semasanitary pads.

“Vamwe vanasikana vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuroodzwa vachiri vadiki inove tsika yakaipa zvikuru,” vanodaro.

Dr Coventry vanoti vanasikana vanofanirawo kupihwa kurudziro yakanaka muupenyu kwete kutarisirwa pasi.
Mashoko avo anotsinhirwa nachamangwiza weZimbabwe Olympic Committee (ZOC), Mai Anna Mguni, vachiti zvakakosha  kusimudzira matarenda evanasikana uyewo nekuvawanisa dzidzo.

“Kuti tizopemberera zuva revanhukadzi pasi rose, zvinotangira mukusimudzirwa kwemwanasika achiri mudiki. Tichashandura upenyu hwevanasikana nemadzimai kubudikidza nemitambo,” vanodaro Mai Mguni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>