Kubaiwa nhomba kwosimbaradzwa

02 May, 2021 - 13:05 0 Views
Kubaiwa nhomba  kwosimbaradzwa Dr Mangwiro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kutsigira zvipatara, makiriniki nemamwe mapoka anoona nezveutano akazvimiririra muchirongwa chekuti pawanikwe zvekushandisa mukubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye nemusi weChina, CIMAS yakaparura chirongwa chemhando iyi kumuzinda wayo uri muguta reHarare.

Chirongwa ichi chine donzvo rekuderedza kupararira kweCovid-19 uye kuti Zimbabwe ikwanise kuzadzikisa chikamu che60 percent chevanhu munyika vari kutarisirwa kubaiwa majekiseni enhomba aya kuti veruzhinji vave vakadzivirirwa kubva kudenda iri (herd immunity).

Pasi pechirongwa ichi, mishonga yese iri kushandiswa yakavepo kuburikidza nerutsigiro rweHurumende apo vanhu vachange vachibaiwa majekiseni aya pachena kuzvipatara nemakiriniki akazvimiririra.

Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti Hurumende iri kutsigira zvipatara, makiriniki nemapoka anoona nezveutano akazvimirira nedonzvo rekuti veruzhinji vakwanise kubaiwa majekiseni aya nenzira iri nyore.

“Kubvira pakatanga Covid-19 muno, vemakambani akazvimiririra vari kubatsira zvikuru mukurwisa chirwere ichi nekutsigira Hurumende. Vaiona kuti zvekushandisa zvose zvawanikwa pamwe nekubatsira vanhu vaitambudzwa nedenda iri. Pakutanga kweCovid-19 munyika muno, vanhu vazhinji vakambonogara kudzimba izvo zvakaona upfumi hwenyika huchiderera. Saka tinokurudzira kuti munhu wese atore matanho ekudzivirira denda iri nenguva kuti tisadzokera kumashure,” vanodaro Dr Mangwiro.

CIMAS imwe yemapoka ari kubatsira mukufambiswa kwechirongwa chekudzivirira Covid-19.

“Zvakakosha kushanda nemakambani mukurwisa chirwere ichi sezvo chisingasarure. Kana tikaenda kuzvicherwa, tinowana chirwere ichi chiriko, zvimwe chetewo nemumakambani uye muzvipatara chaimo. Vanhu ngavabvise mweya wekutya kana nyaya dzekufambisa mashoko emanyepo maringe nemajekiseni aya nekuti donzvo guru nderekuchengetedza upenyu,” vanodaro.

Sachigaro weCIMAS, Mai Emma Fundira, vanoti vari kufamba vachifundisa vanhu maringe nekurwisa denda iri munzvimbo dzakasiyana.

Pakuparurwa kwechirongwa ichi, veruzhinji vakawaniswawo mukana wekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Mamwe mapoka ari kutsigira chirongwa ichi anosanganisira Confederation of Zimbabwe Industries (CZI), Bankers Association of Zimbabwe (BAZ), Insurance Council of Zimbabwe (ICZ), Zimbabwe Council for Tourism (ZCT) neZimbabwe National Chambers of Commerce (ZNCC).

Share This:

Sponsored Links